O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMOYO…Mujubheki anopa Monika shangu

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 9 (Ongororo: Enderero mberi)
MuchiRungu vanoti “curiosity killed the cat” zvichireva kuti havi yekuda kuziva zvinhu kana kuona chinhu inokuvadza munhu chaizvo. Monika apo anomuka mangwanani anoyeuka kuti pane kapasuru kaainge apihwa naVaMujubheki ndokubva abatwa nehavi yekuda kuziva kuti mukati macho maimbove munei. Tinonzwa zvichinzi, “Asi akakundwa nekapfungwa kokuda kuona kuti maive nechii . . .” (45) ndokubva avhura kapasuru kaya.

Tichiri pachiitiko ichi tinobva tasangana neenzaniso inoratidza matarisiro anoita Monika shangu dzaainge apihwa naMujubheki. Zvinonzi “mwana uyu akadziringa sokuringa kwaakaita rokwe riya pana Suka izvo zvinoonekwa paPeji 17. Paanoedza shangu idzi nerokwe riya zvinobva zvapindirana “somukombe nechirongo.” (46)

VaMushayazano vanopopotera mudzimai wavo nekushaya hanyn’a naamai vavo apo vairwara zvakaipisisa.
Vaitadza kuenda panze, magumbeze achishaya anogeza imo mumba ngamunhuwe “sechimbudzi” (47).

Murume wavo anombokosora kwenguva refu oonekwa ava kuburitsa makararwa akakora “sourimbo” (47) akati piriviri neropa. Kukosora kwavanoita uku kunoita kuti muviri wavo utenheke “somunhu ari kuvhuvhutwa nechamupupuri” (48).

Amai vaChingweru vainzi VaZvokupara nokuti vaipona nehari vakarimirana kumuganhu nebadza izvo zvinoenzaniswa zvichinzi waive naamai vaiita “sezvinonzi pasi panoruma” (48). Panomboti perei kukosora kwaVaMushayazano vanenge vofema “sekamwana kaitadza muridzo nekuti muchipfuva mavo maive muchirwadza” (49).

Apedza kununura amai vake mukubva kuzvisungurira kwavaive voda kuita, Monika anoti kwanyanu kusimuka kubva pamusoro paamai vake ava kuita “seanonyara kuti zvainge aita hazvifaniri”(50).

Monika kudoti baba vanyarare mukuru uyu ndokuramba anarwo rwekutaura vachiita “sevasina nzeve” (50).
Kudimikira tinokuona kuchiita basa rako rekurunga mutauro. Zvinoitika kuna Monika apo anovhura pasuro iya iyo ainge apihwa naMujubheki anove nemufaro mukuru shungu dzake “dzikaeredzwa” (45) nerumwe rufaro.

Tinonzwazve kuti apo anotarisa shangu dziya kushatirwa kwaainge anako kwose kwakanyungudika (46).
Matukiro anoita VaMushayazano mudzimai wavo VaChingweru anoratidza kuvenga kukuru kwavainako. Chokwadi murume mukuru anoti, “Mhuka yesango inoti payada yarara” (47) ozoenderera mberi nekuvanyomba achiti, “. . . ruwadzano kwamunoswera muchirima uroyi hwokurara muchifu . . .” (47).

VaMushayazano vanoti vakabvisa VaChigweru kubva munhamo yaishungurudza zvikuru izvo zvinodimikirwa zvichinzi “munhamo yaifutidza moto” (48).

Deno kwainge kusiri kuti VaMushayazano vainge vabatwa nekukosora kukuru vangadai vakazvidonongodza zvose vachipopotera mudzimai wavo kumusvitsa kutsime chaiko izvo zvinodimikirwa zvichinzi “vangadai vakataurira mukadzi wavo chakashayisa imbwa kuseka kunyenama ichigona” (48).

Monika anoshungurudzika zvikuru oshaya nezano rose ringabatsira kuti vabereki vake vagarisane zvakanaka.
Monika apo anonzwa amai vake vachitaura nezvaMujubheki anongoti kanha nazvo “zvakamukanga mate mukanwa” (49).

Apo anoona shungu dzaamai vake dzapora anonyarara otya kuti “angamutsiridza moto wanga wadzima” (50).
Tinonakidzwa nekushandiswa kunoitwa nyaudzosingwi paPeji 49.

Tinoona zvichinzi, “Uyuwo Monika akangoti tuzu, ndiye nazvo kapu. Monika atiwo kwanyanu kusimuka kutevera amai vake” apo vainge vati, “nhe kubuda.”
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey