O-LEVEL — makunun’unu mawodzamwoyo: Amai vaTendai vava kupenga

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 19 Nyaya yacho:Enderero mberi

Nerimwe zuva ari mangwanani-ngwanai amai vake vanomuka ndokubuda panze vakafuga jari chete gare gare ndokuzonzwa mhere yorira, amai vake vakabatiranwa nevakanga vakagarisana navo. Anobvunza amai vake kuti zvaita sei ivo ndokumupindura vachingorotomoka kutaura vachinongedzera dzavaiti imombe dzavo.

Tendai anovabvunza kuti vari kutaurei asi hapana anomupindura. Vanhu vanomupindura vachiti haasi kuzviona here kuti amai vake havasisiri ivo ndokuperekedza Tendai naamai vake kumba kwavo. Amai vake vanopengereka zvakare vachinongedzerazve dzavaiti imombe dzavo vachimininika mawoko mudenga zvinobva zvaratidza kuti amai vake vainge vava kupenga.

ONGORORO:

Mashandisirwo anoitwa enzaniso muchitsauko ichi anoita kuti tinyatse kuona maitikiro ezvinhu. Yatinotanga kusangana nayo paPeji 96 inotiratidza mutoo wakaitwa nemagora apo akamhara pane mutumbi waVaMushayazano. Zvinonzi akadonha kubva mumuti “samatamba”. Yepiri inotiratidza chinhano chekushatirwa chakasvika naMurombo apo akaona VaChingweru vohwihwidza kuchema apo mapfupa aVaMushayazano ainge ava kudzikiswa muguva, izvo zvinonzi murume uyu akashatirwa zvakaita kuti muviri wake ubvunde “sesimbi yerimba” (97).

Vanopopotera VaChingweru vachiti vangarega munhu achifa “sechinhu chomudondo kudaro” (97). Vanhu vaona kuti murume uyu azara neshungu zvekuti anogona kujajadura VaChingweru nedemo, vanomuti mome “senyuchi” (98).

Vavhundutswa nekuita kwaMurombo, vanoonekwa vangoti vhumbama vangoti maziso dzvututu “setsuromombe yavhungwa netsvimbo” (98). Murombo apo anenge apfigirwa mumba, ainge achiomba “seshumba” (99). Apo Tendai anobvunza amai vake kuti zvainge zvaita seiko, vanongomutarisa vachiratidza “sevakanga vasingamuzivi” (99). Apo vanenge vachipengereka vachinongedzera mombe dzavaiti ndedzavo, vaiita izvi mawoko avo achimininika mudenga “sezvinonzi vaiverenga mombe zvedi” (100). Kudimikira tinosangana nakwo kuri kushoma. Kwekutanga tinokuona apo Murombo ari kupopotera VaChingweru achiti ngavarege kuvanyepera achiti, “usandibata zvako kumeso” (97). Apo Tendai anobvunza amai vake kepiri kuti vari kutaureiko, amai vake vainge vangova “mhepo yenyika isingaoni” (99).

Dzokororo yezwi rokuti “dai” paPeji 96 inoita kuti VaChingweru vainge vachidemba zvakadini nazvavakaita. Izwi iri tinoriona richishandiswa kanokwana kuita kashanu paPeji 96 tozosangana naro kamwe chete paPeji 97. Iye zvino vava kuona kuti vakakanganisa zvikuru pachokwadi ndokusaka vachireurura vachiti, “Ini ndakatadza hangu” (96). Mhosva huru yavakapara vanoireurira kanokwana kuita kaviri apo vanoti, “Ndakaparadza ropa risina mhosva” (96) vozotizve, “Ndakaparadza mweya isina mhosva” (96). Nekudaro kupenga kwavava kuita kurangwa kutadza kwavakaita.

Iyi ndiyo nhumba iya inonzi nemuchiRungu “poetic justice” zvinoreva kuti vanopara mhosva vanorangwa, vasina vachisiiwa vakadaro. Tinogona kunzwira hedu tsitsi vanhu vakaita saTendai, Monika naVaMushayazano asi maererano naVaChingweru tinoona kuti musambo uyu unoshanda pavari.

CHITSAUKO 20 (Nyaya yacho):

Nekufamba kwenguva zvinhu zvinogadzikana panaMonika. Apo anosvika kuHarare anosvikobvunza nezvaTimoti kuchipatara ndokuudzwa kuti ainge atovigwa musi mumwe chetewo nemumwe mukoti aiziva Naison Gomo.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey