O-LEVEL — makunun’unu mawodzamwoyo: Musoro webhuku unobuda pachena

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 20 (Ongororo):
Chitsauko ichi chinobatsira muverengi kuti anyatse kunzwisisa kuti musoro webhuku iri, “Makunun’unu Maodzamwoyo”, unoreva kuti kudini. Mutsamba inonyora Monika ichienda kuna Tendai ndimo matinobva tanyatsa kunzwisisa zvinoreva musoro uyu.

Mazwi aya anove munongedzo kune tsananguro yemusoro uyu. Anonyora achiti, “Mukoma hamusati maziva kuti chinhu chiri mumwoyo, chausina waunoudza, chinorwadza sei. Chakafanana nemota rinoramba richikushayisa hope dakara raputika . . . Kuwandirwa nezvinhu mupfungwa chete pasina waungazvitaurire. Zvinongokudya mwoyo” (104).

“Makunun’unu” zvinoreva kuti kufungisisa zvakanyanya zvinenge zvichitambudza, “Mawodzamwoyo” zvichireva kudyiwa kwaunenge uchiita mumwoyo kunotevera kana kusuwa kukuru kwazvo. Tsumo yokuti “Makunun’unu maodzamwoyo” inoreva kuti pfungwa dzakadzika pamusoro pechinhu chinotambudza dzinoita kuti munhu adyiwe mwoyo zvekuti muviri wake unogona kuperezeka.

Monika anobva azodoma musoro uyu apo anoyeuchidza Tendai nezverwiyo ruya runorevererwa.

Monika aneta nekungoramba aine pfungwa dzinomutambudza dzichimupedza muviri nekudaro anodawo kutapudza pfungwa idzi kune mumwe munhu kuti zvirege kunyanyomushungurudza.

Enzaniso tinodziona dzichibatsira kuratidza kuitika kwezvinhu kutambudzika kukuru muna Monika kunobva kwanyatsa kudzika apo anoti anongoita “sezvinonzi ndinongova ndega panyika” (103). Muenzaniso wemota unosimbisisawo pfungwa iyi kutambudzika kuri kuita VaChingweru kunoburitsawo pachena nemusambo uyu. Tinoona Tendai achiti hapana mhuka inotambudzika “somunhu” (105).

Tinonzwa oenderera mberi nekutsanangura kutambudzika kuri kuita amai vake apo anoti vanongorwera rute “sepwere” (105) vachingobvotomoka “savasina pfungwa” (105). Monika apo anotarisa mumba mainge makakiyirwa amai vake anoona mapazi achifamba zvishoma achiti paive nomunhu akanga asingaonekwi aiafambisa” (106).

Monika paanozonyatsa kutarisa anoona kufamba kwemapazi aya “kuchinge mawoko emunhu ari kuimbisa kwaya” (106). Ndipo pazvinomujekera kuti kufamba uku kwaiwirirana nekutaura kwaiita amai wake.

Apo anoona zvose izvi moyo wake unotambudzika zvikuru izvo zvinodimikirwa zvichinzi “moyo waMonika wakabayiwa nepfumo” (106).

Nyaudzosingwi dzinotibatsira kuti tinyatsokuona zvinoitika kuna Monika. Munyori anonyora achiti, “Kumeso kwake kwakati rima tiba. Nyika yakanga yotenderera. Akati ze-e ze-e, kuti ati pu pasi, Tendai achibva amugamha” (106).

Tinoona munyori achishandisa musambo wokuti muverengi/vaverengi nemumwe kana vamwe vari munyaya vanenge vachiziva zviri kuitika, asi mumwe kana vamwe hapana chavanenge vachiziva (dramatic irony). Izvi tinozviona paPeji 101 ndima yetatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey