O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Kukosha kwen’anga

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
Kukosheswa kwen’anga pasichigare:
7. Ndezvipi zviitiko zviri muna Museve Usingapotse zvinojekesa kukosheswa kwen’anga pasichigare? Tsigira zvizere. [25]

N’anga dzaikokwawo padare. Tinozviona panoshevedzwa machinda padare naMambo Chakaingesu vachida kuvazivisa nezvekuenda kunoratidza Karinge ninga yairadzikwa madzimambo avo, Mapfumo naKandishaya vaive n’anga vakakokwawo padare racho.

Pasichigare n’anga dzaiteererwa. Izvi zvinoonekwa padare rakaitwa naMambo Chakaingesu pamuzinda wavo rekuti vaende naKaringe kunomudzidzisa nezvekuninga yemadzimambo avo. Pondai anoramba asi mamwe machinda nen’anga dzinoti Kandishaya naMapfumo vanobvumirana namambo zvinoita kuti vazotanga kuenda naye ikoko zuva rakatevera.

Pasichigare vanhu vaibvunzira kun’anga kana munhu akatsakatika. Tinozviona panoenda Mambo Chakaingesu kunobvunzira kun’anga dzinoti Mapfumo naKandishaya nezvekutsakatika kwaPondai mazuva aaive apotera kwaMambo Mupambi asi dzakati hapana chakaipa chaive chaitika kwaari sezvo zvaive muhurongwa hwevari kunyikadzimu.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

◆ Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapera:

11. Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa naAlex Chirumbwana dzinotaura nezverudo dziri muna Shoko Harivhikwi. Zvino chitsanangura zvadzinotaura pamusoro perudo nezvidavado zvakashandiswa mudetembo rega rega raunenge wasarudza. [25]

Munofanira kudoma nhetembo mbiri dzaAlex Chirumbwana dzinotaura zverudo. Motanga kuratidza zvinhu zvinotaurwa mudetembo rega rega muchipa tsigiro dzacho uye zvidavado zvinowanikwamo.

Nhetembo dzandasarudza ndeidzi; Donhodzo naRuvarashe.

Mudetembo rinonzi Donhodzo, nyanduri anoda kuudza Donhodzo mazwi ekuti vadanane sepaanoti, “Huya kuno ndikurayire, shoko rangu riye rerudo.” Nyanduri ari kuudza Donhodzo kuti ari pakati pemoyo wake sepaanoti, “Donhodzo chidochemoyo.” Nyanduri ari kuudza Donhodzo kuti anomudisisa sepaanoti, “Ndiwe chete iwe uri pamoyo wangu.” Nyanduri anoti akadiwa naDonhodzo vachanyatsonakidzwa vari murudo sepaanoti, “Huya tigotapirirwa tiri mumumvuri wemukute munofefetera.”

Nyanduri afadzwa nekudiwa kwaaitwa naDonhodzo zvinove zvamupa kudzikama muhana yake sepaanoti, “Watonhodza moyo wangu.” Nyanduri anoshandisa chidavado chechikuwo sepaanoti, “Hii! Waita zvako mudiwa.” Nyanduri anoshandisa chidavado chenyaudzosingwi kuudza Donhodzo kuti arerukirwa sepaanoti, “Wapedza chando changa chapinda mumuviri wangu kuti hwa.”

Rimwe detembo rake rinonzi Ruvarashe, anoti akaimbirwa rwiyo neshiri rwekuvakiridza rudo rwake naRuvarashe sepaanoti, “Njiva dzaitiimbira chimbo cherudo, chekusimbisa ukama.” Nyanduri ari kuyemura unaku hwemusikana wake, Ruvarashe sepaanoti, “Ruvarashe tsvarakadenga, ngirozi.” Nyanduri anobuda pachena kuti akasvika pakuda Ruvarashe nekuti akanaka zvakaita kuti azomuyemura sepaanoti, “Runako urwo rwatora wangu moyo.” Nyanduri ari kutarisira kuroora Ruvarashe sepaanoti, “Ini newe tichave nyama imwe chete.” Rudo runozadziswa nechitsidzo chiri kupiwa Ruvarashe nanyanduri paanoti, “Ruvarashe, ndiwe wangu iwe, ini, ndiri wako.” Nyanduri anoshandisa chidavado chetsumo sepaanoti, “Ukama igasva, rinozadziswa nemukombe.” Nyanduri anoshandisa chidavado chehochekoche yemhesano sepaanoti,

Kuti uswedere pedyo tigoparura chimbo,

Chimbo chedu cherudo.

Tangai kuita mubvunzo unotevera:

12. Sarudza nhetembo imwe chete yaSolomon H. Munorevesa nembiri dzaMedia Mugandani dzine dingindira rerumbidzo nezvidavado zvakashandiswa. Tsigira zvizere nenhetembo dzavo dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Ndichakupai mhinduro yacho svondo rinouya.

◆ Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku remunyori uyu rinonzi, Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey