O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mapurisa anosvika vachigovana mari

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho: Enderero mberi):
Vakomana vekubhucha vaya vanobva vasvika, vanhu ndokumhorosana vakazozivana. Mukomana wekubhucha anobva ashevedzera hwahwa hwemadhora mana asi Fadza haafadzwi nazvo achitya kuti vana Roddy vaigona kuvasvikira nguva ipi zvayo sezva vaive vasiya vataura kuti vaizokurumidza kudzoka musi uyu.

Nekudaro Fadza anobva atsvaga zano rekuvanzvenga naro ndokuudzwa kuti kana vachida hwahwa vanotonwira kwavo sezvo mapurisa ainzi aisunga vanhu vekuZengeza 3. Musi uyu Fadza anokwevera kamukomana kekusiraha mumba yekurara kakomana aka ndokukwenya mumwe wako uyo anoona vanonoka kudzoka kwava kunyengerera Sekai kuti vapinde mune imwe imba.Panodoka zuva Roddy naRobby vanodzokera Zengeza vatanga vaviga mazana mana emadhora, pavanosvika voedza kuvhura musuwo wanei wakakiiwa nemukati asi mafasitera akavhurwa kuratidza kuti maive nevanhu. Mukomana wekusiraha anobva anzi ahwande pasi pemubhedha. Nekunonoka kuvhura kuri kuita Fadza, Roddy anobva afungira kuti mumba mune vamwe varume bedzi. Nechekudivi kwavana Sekai mukomana uya anonzi apinde mumagumbeze ari kuseri kwemusiwo ndokubva aona zviine ngozi kwava kuzvimanikidza nepamasimbi anodzivirira mbvavha munhu ndiye kusvetukira panze achisiya shangu dzake.

Fadza anotanga kupopotedzana naRoddy, Robby ndokumuti arege kudaro achirandutsira. Sekai paanobuda Robby anobva amunyemwerera achitambanudza mawoko ake iye ndokusvikowiramo izvo zvinoita kuti Robby afunge nezvezano ravo ndokubva akumbira ruregerero kuna Fadza. Roddy anoenda kumotokari kunotora kabhokisi kane mari vanhu ndokubvumirana kuti vambosiya yakadaro vozoverenga husiku vanhu varara Fadza achitya kuti pangangopinda vanhu vakavawanikidza.

Panodzoka Mugadzi kubva kubasa manheru ari kufara kwazvo nekuti ahwinha mabhiza. Paanoona dzangaradzimu risina kuvhurwa anobvunza kuti nemhaka yei.

Lily anorondedzera zvainge zvaitika ndokubva apinda mumba ndokuwana musefa musisina mari. Anobva amhanyira pamba paive nerunhare ndokuchaira mapurisa achivatsanangurira zvainge zvaitika.

Nenguva isipi, mapurisa anosvikapo Lily ndokutsanangura zvainge zvaitika pamwepo nezvimiro zvevarume ava. Mapurisa anobva aziva kuti ndivo varume vaitsvagwa nemhosva dzakawanda dzavaive vaita muguta ndokubva vazivisa mamwe makamba emapurisa.

Pava pakati pehusiku vanaFadza vanomuka kwava kutanga kuverenga mari asi kuna Robby naRoddy kunongove chirango chete. Roddy anoti vopa Sekai mazana mana ivo vodimurana yasara pakati pavo.

Mari yose pakutanga yainge ichikwana chiuru nemazana maviri emadhora ($1 200) izvo zvaisazivikanwa navana Fadza. Sekai anoratidza kusafadzwa nemarongero aya. Robby anovaudza kuti matombo vainge vaashaya asi vana Fadza havaiti hany’a nazvo.

Pavanenge voda kugovana, mapurisa anobva asvika Roddy naRobby ndokubva vazvipfigira muchimbudzi nemari. Vanobva vati vari kuda mukomana anosevenza kubhucha anga ari ipapo neshamwari yake iyo yainge yavaudza kuti ainge asati adzoka Fadza ndokuti achirimo mumba. Kakomamana aka kanonyara-nyara kubvunzwa kuti kanodei nemai iyi iye mwana mudiki kudai, kobvunzwa kuti kakanga kachiri kuitei mumba mavaridzi. Kanoti kainge kakahwanda pasi pemubhedha.

Fadza paanobvunzwa kuti murume wake aive kupi zvaaipinza zvikomba mumba, anoti haana murume, kakomana kaya ndokuroverera kachiti anaye.

Mumwe mukomana uya anobva ati kana naiye ainge asiya bhutsu ave kutiza, Sekai ndokudzitora. Anotizve vainge vachivanyepera kuti havana varume. Wekubhucha uya anototi nevarume vavo vaitaura nyaya yekugovana mari.

◆ (Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey