O-LEVEL — NDIKO KUSASANA…Mugadzi anoona Lily muchipatara

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mugadzi anoudzwa kuti Lily ava kunzwa zviri nani asi semunhu ainge arasikirwa neropa rakati wandei akazvitakura kudaro, aizombogara muchipatara kwemazuva asi aizobvumirwa kumuona masikati chaiwo. Masikati anomunonokera asi paanosvika, anowanikwa ava pachipatara ndokubvunza mudiwa wake kuti ainge ava kunzwa sei.

Lily anoiti ava kunzwa zviri nani asi mudumbu make muchiri kumurwadza chose ndokumutaurira kuti mbabvu dzose dzekurudyi nepaguvhu ndizvo zviri kunyanya kurwadza. Lily anoedza kumuka achigomera mumwe mukoti aingozvipfuurirawo zvake kunoona vamwe varwere ndokumurambidza.

Mugadzi auya netwekudyira-dyira twakaita setumakeke, zvinwiwa, mazai netumwe ndokuda kunyengetedza Lily kuti adye asi anoti hapana chaarikuda. Anoti ane chikumbiro chimwe chete chokuti kana Mugadzi achimuda sekutaura kwaanoita, ngaasawana zvaanoita amaiguru, Mwari ndiye anoziva.

Kuna Mugadzi, Sekai anofanira kudzidziswa sezvo audzwa zvose zvainge zvakaitika pakurwa kwavo. Lily anoedza kumunyengetedza kuti asava nezvaanoita Sekai. Ndipo panobva panzi kuna Mugadzi nemukoti nguva dzaive dzakwana ozodzoka zvakare zuva raitevera nenguva dzimwe chetedzo.

Mugadzi naLily vanobatana mawoko ndokuparadzana misodzi yazara mumaziso aLily.

ONGORORO
Enzaniso ndidzo dzatinoona kuti dzashandiswa zvebasa muchitsauko ichi. Apo Mai Chipunza vanenge vachitaura naSekai nezvemagariro ekumba kwaSekai, Mai Chipunza vanotsvinyira Lily vachimuti anongoti nzvondo maziso “kunge zizi” (70). Sekai wacho haabviriwo kuganhira, anonyatsotaurira Mai Chipunza kuti ava kupengesana nemumwe murume wechidiki uyo anoti kasvava kachine ropa rinopisa “kunge mvura iri pamoto”.

Hapano pakuchiti Sekai atange kurova Lily, anomurikita zvebasa zviya zvinonzi “akaita kunge ane shavi” (73) ototanga kumumara mara “kunge katsi” (73). Kumurova kwaanomuita kunoitwa sezviya zvinoitwa nemutambi wetsiva kurova chisaga (punch bag) izvo zvinonzi Sekai ainge achimurova achiita “kunge ari kukava bhora rake zvake” (73).

Apo Sekai anokweva Lily neruwoko kuti amugadzirise, anomuregedza munhu ndokurovera pasi nemusoro “kunge shamba” (75). Paanosiwa akarara pamubhedha, aive angoti rabada maziso akapfigwa “kunge munhu arere” (75).

Sekai anoendza kunyengetedza Mai Chipunza kuti aende navo kumba kwake kuti vagoona zvanga zvaita Lily, asi vanoramba kuendako, ndokuzodzokera kumba kwake “enge huku yanaiwa nemvura” (76).

Sekai apo anopinda mumba yekurara ndokutarisa kumeso kwaLily, anoona kwakati tuku tuku kuzvimba chaizvo “kunge munhu arumwa nenyuchi” (76). Kudimikira kunove kushoma chaizvo. Kwatinosangana nako papage 70 kunotitaurira kuti Mugadzi naLily vaionekwa naSekai sevanhu pasina izvo anodimikira achiti, “nevanhu vandakawana dziri inda dzega dzega ava” (70).

Tozotizve papeji 76 patinosangana nekumwe kudimikira kunotiratidza zvainge zvakaita Sekai apo akaedza kumutsa Lily kwava kumugeza ropa rainge riri pamhino. Zvinonzi, “angova rushanga ruri mumvura.’’

Mai Chipunza vanokuchidzira kuti Sekai anorova Lily. Izvi tinozviona vachizviita runokwana rushanu.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey