O-LEVEL — ndinofa ndaedza: Ishe vanoita mabiko

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 7 Nyaya yacho (Enderera mberi)
Revai anotaurira Ishe Machingauta mafambiro aakaita nekuyamurwa kwaakaitwa naChigange kumununura kuhusungwa ndokutaura kuti uyu ndiani, uyo ndiani. Zviri kuna mambo kuvapa mvumo nenzvimbo yokugara.

Mambo anoti nekubatsira Revai kwavakaita, anovapa pokugara asi vanofanira kuchengeta tsika neunhu hwakanaka kwete kuita zveunhubu. Pondai naChigange vanorova mawoko vachitenda.

Nepamusaka pekudyisa, Revai anomborwara zvekuti ishe vanofunga kuti ava kuda kutevera kwakaenda vabereki vake asi anozogara zvakanaka pamusha apa. Mumwe musi ishe vanofunga zvekuita mabiko ekupemberera kuuya kwemuzukuru wavo ndokuudza makurukota avo vakaronga mafambisirwo aizoitwa mabasa aya.

Pamabiko aya hapadanwi anonzwa, hausi hwahwa ihwohwo nezvekudya izvozvo. Revai akabata pfumo seuto rakachengeta mambo waro anomira pedyo nashe nechekurudyi kwavo akapfeka nguo dzakachena. Mambo vanomhoresa veruzhinji vanhu ndokudavira pamwe chete zvine mutsigo. Mambo anoudza vanhu nezvaRevai nechinangwa chemabiko aya ndokuti vachivamba zvavo kufara vachidya vachitamba. Sahwira Mandinyanya akatanga zvidavado zvake nekudeketa achitamba.

Musi uyu panofarwa Revai akasvotwa nekuti madzisahwira akatuta huku zvepfini sekuona kwake asi ndiwo aive maitirwo azvo asi vakatadza kuzvipedza vakangozvisiya zvakati takataka neruvanze.

Manheru acho Pondai naChigange vanokurukura vachiratidza kushamisika kukuru nezvaitwa mumusha uyu. Pavari kukurukura ndipo panobva pasvika Revai ndokuvaudza kuti ndizvo anga achifira, zvekuti vagare vachifara kwete kusuwa, kunzwana kwete kurwa, kukudzana kwete kushorana, nekushanda nesimba kwete nungo.

ONGORORO
Mundima yekutanga muchitsauko ichi tinoita mahwekwe nenongedzero yemusoro webhuku iri. Tinonzwa Revai achiti, “Kufa kuri nani chokwadi, asi ndichafa ndaedza” (69). Chokwadi mune zvataverenga maererano neupenyu  hwemujaya uyu tinogona kubvumirana naye kuti ndizvozvo nekuti paPeji 78 ndima yekugumisira tinoona zadzikiso yezvinangwa zvake.

Patsika nemaitiro evanhu tinodzidza zvakati wandei. Maererano naRevai, tinonzwa munyori achimurumbidza achiti, “mumusoro maRevai munova ndimo makange muzere nemazano ose” (69). Tinoudzwa kuti ambuya vaRevai vaive mukadzi mukuru waShe Machingauta “vaibika zvekudya zvairwerwesa rute usati wadya” (74). Sahwira Mandinyanya aive munhukadzi “akange akangwarisa” (77). Revai munhu anoshingirira nezvaanenge afunga kuita.

Tinomunzwa achitaurira Pondai naChingange kuti, “Ndizvo zvandaifira izvi, hama dzangu” (78). Chingave chinhu chakanaka kuti mukuverenga kwaanenge achiita munyori kuti muverengi ati paPeji 73 kubvira panoti, “Pakazodonhedzesa misodzi” kusvika panoti, “. . . vakabongomora kuchema” onai Peji 6 kubvira panoti, “Amai nababa vaRevai, . . .” kusvika panoti,”. . . dzakadya mumunda wavaridzi.” Enzaniso dzinoshandiswa kuti tione maitikiro ezvinhu. Upenyu kuna Revai hwainge hwamutamba tsvina izvo zvinonzi hwakanga kwamushapira “sehute dzemugan’a” dzisati dzanyatsoibva” (69). Apo vainge vari kufamba Chigange ari pamberi masimudzirwo akanga akaitwa musoro naChigange “waiti munhu ari kuenda kumusha kwake” (69).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey