Oitiswa zvinyadzi nezvipoko

13 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Oitiswa zvinyadzi nezvipoko VaMax Misheck Chisvipa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuOverspill, kuEpworth uye kumusha achibva kuChimoio, kuMozambique, anoti aoneswa nhamo nekuitwa zvisakarurama naye nevanhukadzi avo vamwe vacho vanouya sezvipoko akakotsira kana dai akasvinura.

VaMax Misheck Chisvipa (68) vanoti vanototya kukotsira sezvo vachiti pavanongobatwa nehope bedzi, vanoona zvemadzengerere, kouya madzimai achiita zvinyadzi navo.

“Dambudziko iri rakatanga apo ndaishanda nemumwe mudzimai aisava nemurume uyo ndaingoti hanzvadzi uye taiwirirana zvikuru. Ini ndaiva nemudzimai wangu uyo ndine vana vashanu naye uye wandakachata naye kumba kwemudzimai uyu kuChitungwiza kwatakagara kwemakore 11.

“Mudzimai uyu akazofa mutsaona yebhazi ndikaenda nevamwe kunomuviga. Musi watamuradzika, mukadzi uyu akazouya kuhope kwangu achiti wakandirambira chii ndokubva atanga kuita zvisirizvo neni ndichiita sendinorota,” vanodaro VaChisvipa.

Vanoti kubva ipapo, vanorota mudzimai uyu achishinha navo.

“Dzimwe nguva ndinomurota achiita zvisakarurama neni kana kuuya sechipoko. Chinonetsa ndechekuti handina kumbobvira ndakadanana naye, saka handizive kuti shungu dzake ndedzei.”

VaChisvipa vanoti dambudziko iri rakatanga mugore ra2014. “Ndakaedza kudzokera kuhama dzemudzimai uyu, vakanditi havana zvavanogona kuita nenyaya iyi. Vakandikurudzira kuti ndifambe ndibviswe mhepo iyi.

“Ndaedza kufamba asi hazvisi kubatsira, ari kungouya achiita zvaanoda neni.

“Pamusoro pazvo, kune madzimai akawanda anouyawo achiita zvimwe chetezvo neni, kusanganisira vamwe vavakidzani vangu vemuno muEpworth,” vanodaro VaChisvipa.

Vanoti madzimai vanouya aya anodarika kana 20 uye dzimwe nguva vanovakomba vachirwira kuwana mukana navo.

“Handizive kuti iye mukadzi wandaishanda naye akafa uyu ndiye anoshevedza vamwe here. Ndapfidza, muviri wangu hausisina simba uye mudumbu munorwadza musana wasakara nekushandiswa.

“Rimwe dambudziko randava naro nderekuti handisisina simba zvekuti vadzimai vangu ndapedza mwedzi gumi pasina chaitika navo nekudaro vava kutofunga kuti ndinopedzera simba kunze.”

Murume uyu anoti haasisina shungu nemudzimai wake mumba izvo zvave kuparadza wanano yake.

“Ndashaya kuti ndodii nekuti ndafamba ndapedza mudzin’anga nekumaporofita. Kumwe ndinopihwa mishonga nemvura yekushandisa pasina chinobatsira,” vanodaro.

Vanotiwo kumwe kwavanofamba vanoudzwa kuti dambudziko iri riri kubva kuhama dzavo.

“Zvinonzi matambudziko aya anobva kuhama dzangu sezvo dzichiti ndakakwanisa kuendesa vana vangu kuchikoro kusvika kuyunivhesiti nekuzvikoro zvepamusoro kunyangwe ndichiita basa remudzimba kumayard. Havazive kuti ndinobatsirana navadzimai vangu kuendesa vana kuchikoro.

“Ndiri kushandiswa zvakasimba veduwee, vakadzi ava vanouya vechidiki nemachembere, vakobvu nevatete uyewo vatsvuku nevatema. Vanokurura mbatya pamberi pangu pasina anotaura.

“Ini handina kuromba muupenyu hwangu sezvo vamwe vachiti ndine gondwawaturuka. Kana mushonga chaiwo weraki handina, ndinodawo kubatsirwa,” vanodaro VaChisvipa.

“Zvinonziwo nevemweya madzimai aya zvipoko nezvidhoma. Vanoda kundibatsira vanondibata panhare dzinoti 0775 008 538.”

Murume uyu anoti ave kuitawo munyama wekupomerwa zvinhu zvaasina kuita uyewo nekungovengwa nevanhu pasina chikonzero.

“Murungu wandakashandira kwemakore 25 akangovhara chitoro pasina chaakandipa ndokuenda kunyika yeSouth Africa.

“Izvozvi ndinoshandira kuno kuChadcombe, kuwirirana kwacho nevarungu kunonetsa nekuda kweminyama iyi,” vanodaro VaChisvipa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey