Ongororo yezvirimwa, zvipfuyo yakaitwa

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Ongororo yezvirimwa, zvipfuyo yakaitwa VaVangelis Peter Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti yakaita ongororo yezvirimwa pamwe nezvipfuyo munyika yose nechinangwa chekuti inge ichiona mamiriro ezvinhu.

Vachitaura maringe neongororo iyi pamusangano wakaitwa muguta reHarare weExtraordinary Meeting on Grain Supply Stategy 2019-2020, mutevedzeri wegurukota rinoona nezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekusimudzirwa kwekumaruwa – VaVangelis Peter Haritatos –  vanoti magwaro avanawo anotaridza kuti zvimwe zvirimwa zvichiri nechimiro chakanaka kumativi mana enyika.

“Zvirimwa nezvipfuyo zvedu zvakakanganiswa zvikuru nekunonoka kuturuka kwemvura pamwe nemafashamu ane dutu eCyclone Idai ayo akaparadza upenyu hwevanhu, zvirimwa nezvipfuyo pamwe nezvivakwa. Kudya kwemhuri 40 000 kwakaparadzwa neCyclone Idai nokudaro musangano uno uchaita kuti tiumbe nzira dzekugadzirisa matambudziko aya kwemwedzi gumi nemiviri inotevera,” vanodaro.

Vanoti gwaro rekutanga rechirongwa ichi reCrop and Livestock Assessment richaendeswa kudare reCabinet apo nyika ichazoziviswa zvizere pamusoro paro.

“Parizvino chibage nezvimwe zvirimwa zvidiki zviri kudura guru reGrain Marketing Board (GMB) matani 832 156 uye pamwedzi tinobudisa matani 120 000, kureva kuti chibage chatinacho chinotisvitsa mwedzi minomwe. Kunaya kwakaita mvura mumwedzi waKukadzi kuchaita kuti zvirimwa zvizhinji zvinge zvichikura zvakanaka uye tine tarisiro yekuwana chibage chakawanda kureva kuti hatisi kuzotenga chibage chakawanda kubva kune dzimwe nyika,” vanodaro VaHaritatos.

Vanoti zvisinei nekuti gore rino kwakapisa zvakanyanya, madhamu mazhinji achine mvura yakawanda.

“Hurumende iri mushishi kugadzirisa madhamu akakanganiswa pamwe nekuvaka mamwe matsva senzira yekurwisa nyaya dzekushaikwa kwemvura. Tinokurudzira varimi kuti varimewo zvirimwa zvakasiyana zvakadai sedonje, mhunga, mapfunde, bhinzi nenyemba zvinova zvisingade mvura zhinji  pane kungorima chibage chete,” vanodaro.

Varimi, vanodaro Haritatos, vakaita basa guru mukushandisa minda nemazvo nokudaro vanofanirawo kutsigirwa nekuwaniswa zvekushandisa zvakadai sematarakita, michina yekukohwesa nezvimwe.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Farmers Union, VaAbdul Nyathi, vanoti zvimwe zvirimwa zvichakanaka mumatunhu akasiyana enyika.

“Kusanduka kwemamiriro ekunze kwakapatsanura nyika nenzira mbiri pakuti zvirimwa hazvina chimiro chakanaka nechekuchamhembe munzvimbo dzakadai seMasvingo, Matabeleland neManicaland apo zvizhinji zvakatosvava uye zvinotogona kutozooma zvachose kana zvikakundikawana kuwana mvura yemudenga nenguva,” vanodaro.

VaShadreck Makombe vanove mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union vanoti zvipfuyo zviri kusangana nedambudziko rekushaya mishonga yekudhibhisa nemajekiseni uye kwainowanikwa inenge ichidhura zvakanyanya izvo zviri kuomera varimi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey