Oshura mare nekudhirowa

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Oshura mare nekudhirowa Kudzai Muchena akabata mubairo waakapihwa wekugona kudhirorwa aine vabereki vake, VaJames Muchena naMai Addlight Muchena pamwe Dr Sojakhani.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUSIKANA anodzidza paChinhoyi University of Technology (CUT) ari kuita zvinorova munyaya dzekudhirowa, kupenda machira nezvimwe zvakawanda. Kudzai Muchena (25) anoti akatanga zvidzidzo zveFine Arts muna2011 uye pari zvino ave mugore rekupedzisira. “Kubvira ndichiri mudiki ndaingofarira kudhirowa ndokusaka ndakasarudza kuenda kunoita zvidzidzo zvekudhirowa kuyunivhesiti.

“Humwe hunyanzvi hwandinoita hunosanganisira kudhirowa zviso zvevanhu kana chipi zvacho chinhu chichibuda sezvachiri, kupenda machira, kuisa mifananidzo yezvinhu pambatya (mixed media), kutora mifananidzo negraphic design,” anodaro.

Nemusi weChishanu svondo rapera, Muchena akaita chirongwa chekushambadza mamwe emabasa ake muguta reHarare achitsigirwa nemuRungu anonzi Dr Moxshen Sojakhani.

“Ndakadzidza zvinhu zvakawanda kubva paArts Exhibition yandakaita. Dr Sojakhani ndivo vakandibatsira nenzvimbo yekuitira paIran Cultural Centre uye vanhu vazhinji vakauya vachiyemura basa rangu.

“Bhizimusi rekudhirowa rine mari kana rikange rawaniswa rutsigiro neHurumende kana vemakambani. Zvakare, rinoda munhu akazvipira mukugadzira zvinhu zvakanaka zvinogutsa vatengi,” akawedzera.

Anoti matambudziko anosanganikwa nawo mubhizimusi rekudhirowa kushaikwa kana kuti kudhura kwezvekushandisa zvakaita semachira, pendi uye kushaya rutsigiro kubva kune veruzhinji, avo vasingakoshesi mabasa ekudhirowa.

“Kudhirowa ibasa rakanaka zvikuru uye kune dzimwe nyika vanhu vanotoita mari yakawanda asi munyika muno ibhizimusi richiri kutarisirwa pasi. Ndinoshuvira kuti kudai vanhu vawaniswa dzidziso yezvekukosha kwekudhirowa. Mifananidzo unotaura zvakawanda kupinda mazwi kana zvinyorwa uye yakakosha nekuti inopa dudziro dzakasiyana muchidimbu pamwe nekukwezva meso eruzhinji.”

Muchena anoti zvisinei nekuti basa iri riri nyore, munyika muno vanhukadzi vachiri vashoma vanoda kuita zvekudhirowa.
Zvakadai, veKasi Culture vakashambadzawo zvigadzirwa zvavo muguta reHarare zvinova zvakamutsurudza pfungwa dzevazhinji maringe nekukosha kwekuveza nekudhirowa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey