SANCTIONS: MADZISHE VAGUMBUKA

25 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
SANCTIONS: MADZISHE VAGUMBUKA Mambo Zimunya

Kwayedza

. ‘Vachena vanorwadziwa nesu’

. ‘Ivhu redu takatora, haridzoke’

Kingstone Mapupu

MADZIMAMBO ekumatunhu akasiyana enyika vari kukurudzira kuti zvirango zveupfumi – izvo zvisiri pamutemo – zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumavirira zvibviswe sezvo zviri kukanganisa budiriro nekukonzera kutambura kweruzhinji.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanoti zvirango izvi zviri kukanganisa zvakanyanya magariro evanhu.

“Zvirango izvi zvakaiswa nekuti nyika dzemhiri dzakarwadziwa kuti takatora ivhu redu zvikanzi tatadza. Kubva pakapihwa nyika ino zvirango izvi, upfumi hwakaramba huchidzikira. Saka tinoti ngatirwisei zvirango izvi nekushandisa maoko edu pane zvatinogona kuita.

“Hondo (yeChimurenga) takarwa tikakunda, kune vakatora ivhu tinokurudzira kuti rishandiswe zvakasimba tikunde zvirango izvi nekuzvishandira asi tinoda kuti zvibviswe,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Goronga, VaBoyi Nyamande (52), vekuNyamapanda, kudunhu reMashonaland East, vachiti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitaure nezwi rimwe chete kuti zvirango izvi zvibviswe.

Mambo Goronga

“Isu semadzimambo, tabatana kuti titaure nezwi rimwe chete munyaya yekurwisa kubviswa kwezvirango izvi. Izvozvi nyika haigone kupihwa zvikwereti nemamwe mabhanga pamwe nedzimwe nyika nekuda kwezvirango izvi,” vanodaro Mambo Goronga.

Mambo Musarurwa, VaEnos Musarurwa, vekuChikomba, kudunhu reMashonaland East, avo vanova zvekare Senator vanoti: “Isu madzishe ndisu varidzi vevhu saka mugore ra2000 takatora ivhu redu tikaridzosera kuruzhinji rwenyika chinova chibvumirano chakaitwa apo ruzhinji rwakaenda kuhondo yakasunungura nyika ino. Saka zvinoshamisa kuti nyika dzemhiri dzakarwadziwa nei pakutora ivhu redu pakuti vazotitemera zvirango zveupfumi.

Mambo Musarurwa

“Vanhu vari kutambura nekuda kwezvirango izvi. Ivhu takatora haridzokere zvakare kuvachena, mubhaibheri chaimo makataurwa kuti musasandure miganhu uye nekuda kwenyaya iyi, tinoda isu kuenda tomene semadzishe kunoona vakuru venyika dzakatipa zvirango tinotaura navo tichionesana.”

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera (52), vekuHurungwe, kudunhu reMasahonaland West – avo vanovazve Senator – vanoti zvirango ngazvibviswe.

Mambo Chundu

“Hapana chikonzero chinoita kuti zvirango izvi zvirambe zviripo, ngazvibviswe nekuti vanhu vari kutambura munyika uye mamwe makambani akavhara, zvekare nyika yedu haisi kupihwa zvikwereti,” vanodaro Mambo Chundu.

Kunyange zvazvo Zimbabwe yakatemerwa zvirango, Hurumende yaPresident Mnangagwa iri kuita zvirongwa zvakawanda izvo zvakananga kusimudzira raramo yeruzhinji.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey