Sangano ropa miti kuvarimi vefodya

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Sangano ropa miti kuvarimi vefodya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
RIMWE sangano rakazvimirira roshanda nevarimi vakasiyana, zvikuru vefodya, mukuvakurudzira kudyara miti zvichitevera kuparadzwa kuri kuitwa masango uye rine chinangwa chekuti kunge kwadyarwa miti inokwana 100 miriyoni kusvikira panopera gore rino.

Climate Smart Trust isangano rakavambwa gore rapera nedonzvo rekusimudzira mabasa ekudyarwa kwemiti  pamwe nekurimwa kwefodya kuburikidza nekuwanisa varimi huni dzekupisisa fodya yavo.

Sachigaro wesangano iri, VaDidymus  Machiri, vanoti vakavamba chirongwa ichi mushure mekuona dambudziko rekuparadzwa kuri kuitwa masango munyika.

“Takaita ongororo tikaona kuti raiva dambudziko guru kuti varimi vedu vawane marasha uyewo nekuti miti iri kupera nekuda kwehuni dzinodiwa kushandiswa mabasa akasiyana epamba,” vakadaro.

Vanoti vakazotaura nemamwe makambani  ari kuita mabhindauko ezvemiti kuti abatsire varimi ava nehuni.

“Tine makambani maviri ari kuManicaland atakawirirana nawo kuti awanise varimi huni dzekupisisa fodya yavo nechikwereti. Varimi ava vanotakurirwa huni dzavo nemarori kusvika kwavanorima vari vozobatirwa mari yehuni dzavanenge vashandisa pavanotengesa fodya yavo,” vakadaro VaMachiri.

Vanoti panguva inenge vachirimi vachiwaniswa huni dzekupisisa fodya yavo nemakambani aya, ivo vanenge vachivapa nhondo dzemapuranga dzekudyara kwavanorimira.

“Isu tinenge tichipa varimi ava nhondo dzemapuranga vachidyara kusvikira panguva yekuti miti yavo ichazenge yakura vochisiyana nekutenga huni idzi nechikwereti vave kutema mumasango avo,” vakadaro.   Vakapa muenzaniso wekwaOdzi kuManicaland kwavanoti kune murimi mumwe chete akadyara nhondo dzemiti yemapuranga inokwana 1 200 nguva pfupi yadarika.

“Izvozvi tiri kushanda neTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) pamwe chete nekambani yeBoka (Tobacco Auction Floors) kuti tiunganidze varimi tichivadzidzisa nekuvawanisa nhondo dzemapuranga. TIMB inoti ine varimi vakanyoresa kurima fodya vanokwana 120 000 zvinoreva kuti murimi woga-woga pavarimi ava akadyara miti chiuru tinenge tiine miti inodarika 100 miriyoni,” vakadaro VaMachiri.

VaPeter Remwe vanova regional maneja kusangano reTIMB vakatsinhira nyaya yekuti vari kushanda nesangano iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey