Shasha pakudhirowa

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

KAKOMANA shasha pakudhirowa pamwe nechidzidzo cheTechnical Graphics kanoti vana vachikoro vanofanira kudzidza vaine chinangwa uye kushanda nesimba ndiwo musimboti webudiriro mudzidzo.
Keith Kariwo, uyo ari kuita Form 1 paZengeza 1 High, kuChitungwiza, akawana mubairo wekukunda vamwe vana pachikoro apa muchidzidzo cheTechnical Graphics nguva pfupi yadarika.

Anoti anoda kuramba achikwenenzvera ruzivo rwake rwechidzidzo ichi nekuti ndipo pachabva raramo yake mune ramangwana sezvo ari kuda kuzoita basa rehuArchitecture kana apedza chikoro.

Keith anoti anofara zvikuru nekuhwinha mubairo wechidzidzo ichi.

Zvisinei, anoti dzimwe nguva vabereki vake vanoshaya mari yechikoro zvinova zvinokanganisa dzidzo yake zvikuru.

“Ndinofarira Technical Graphics uye ndinoda kuramba ndichishanda nesimba kuti ndizodadisa vabereki vangu ramangwana. Ndinoshuvira kuti vabereki vangu vasashupike kuwana mari yangu yechikoro nekuti zvinondikanganisa zvakanyanya apo mari iyi inenge yava kudiwa kuchikoro,” akadaro Keith.

“Kana ndakura ndinoda kuzoita basa rehuArchitecture apo ndichange ndichidhirowa mapurani edzimba, ndipo pane tarenda rangu.”

Keith akakurudzira vamwe vana vechikoro kuti vashande nesimba muzvidzidzo zvavo.

Baba vake, VaDavid Kariwo, vanoti mwana wavo ainge atevedzera matsimba avo sezvo panguva iyo vaiva kuchikoro vaigonawo Technical Graphics.

“Tsumo iya yekuti ‘mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu’ inonyatsozadzikiswa nekugona kudhirowa kunoita Keith pamwe nekupasa chidzidzo cheTechnical Graphics kwaanoita, ndaigona kudhirowa zvikuru panguva yangu uye nhasi uno ndinodada naKeith, dai aramba akadaro,” vakadaro VaKariwo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey