St Angela Academy: Tiri chikoro chemarudzi ose

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
St Angela Academy: Tiri  chikoro chemarudzi ose

Kwayedza

CHIKORO cheSt Angela Academy icho chiri kuBorrowdale, muHarare, chosimudzira kudyidzana kwemarudzi akasiyana sezvo chiine vadzidzi vanosanganisira vechitema, vachena nevechiIndia.Mutungumiriri wechikoro ichi, Mai Margaret Bhowa, vanoti kuve nevadzidzi vendudzi dzakasiyana kuri kubatsira kuti vadzidzewo tsika nemagariro akasiyana.

“Isu pano paSt Angela Academy tinotambira vana kubva kundudzi dzakasiyana uye tinotoda kuti vadzidze vose izvo zvatakaona kuti zvinobatsira mukuvadzidzisa tsika nemagariro zvemamwe marudzi.

“Tine vana vechitema, vechichena, zvizvarwa zvekuIndia neSweden,” vanodaro.

Vanoti pachikoro pavo Shona inodzidzwa kusvika pagwaro reForm 2.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey