Stanley asara musoro bedzi

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza—

SVONDO rino tinofambira mberi nekupedzisa mhenenguro yekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.

Eve anosangana nemavanga erudo paanobvisa pamuviri mushure mekunge apedza zvidzidzo zvake zveA-Level paGirls High. Muridzi wepamuviri anove Solo anomumanikidza kuti abvise pamuviri pakanga pakura zvekuti paigona kumuuraya.

Mavanga aya anorwadza Eve zvikuru, kunyanya patinoona achifunga nezvawo mushure mekunge azvirangarira achiudza Stanley paHoliday Inn, ndokutanga kupfikura kuchema.

Stanley anorohwa mbama padama naEve vari paHubert Court mushure mekunge aramba kurara naye achitya kubatira chirwere cheshuramatongo. Eve anotanga kupopotera Stanley achiti imbwa yemunhu nekuti aivenga zvaifarirwawo nevamwe varume. Anoenderera mberi nekurova Stanley nezvibhakera kumeso akamugara pamatunduru. Aya mavanga erudo rwakanga rwazvimba mumwoyo maEve asi Stanley achirwubata nezinyekenyeke. Madzvanga erudo akanga aita kuti Stanley apere muviri zvisingatsanangurike. Tinonzwa izvi Stanley paanotaura neshamwari yake Batsirai achibva kumba kwaEve achienda kuSearing Heights kwaaimhanyira kunoona Samson achiti akanga apera muviri nekuda kwekutsakatika kwaBeaula zvinove zvakaita kuti asare musoro chete.

Tinonzwa kuti Stanley akanga apera muviri sekutaurwa kwazvinoitwa naMoira paanoenda naBatsirai kunomuona kujeri reHarare Remand Prison achiti ainge apera kuita serutsanga chairwo. Eve anoonekwa akayangarara pamusoro pemvura yemutabhu akabaiwa nebanga kumusana uku mvura yacho riri ropa rega rega. Rufu rwaEve rwakakonzerwa nekuwirirana kwaakanga ave kuita naStanley. Zviri pachena kuti kufa kwaEve kwakakonzerwa nemavanga erudo aive pakati pake naSolo uye Stanley naBeaula.

Kupomerwa mhosva yekuponda Eve nekusungwa kunoitwa Stanley nemapurisa kunojekesa kurwadza kunoita mavanga erudo. Tinoona Stanley akakombwa nemapurisa ainge akawanda zvikuru ndokutakurwa achiendeswa kuCentral Police Station asati anomira pamberi pedare achitongerwa mhosva yekuponda. Izvi zvaikonzerwa nevanga rerudo raakanga asiirwa naBeaula uyo waaitsvaga paanosangana nematambudziko aya. Kusvibiswa kunoitwa zita raStanley nevemapepanhau pamwe chete neterevhizheni kunoburitsa pachena kuipa kwemavanga erudo akanga awira Stanley muzvinangwa zvake zvekutakanura Beaula muupambwa. Izvi zvinobuda Stanley paanopomerwa mhosva yekuponda Eve, nyaya yacho inonyorwa mumapepa nekuburitswa muterevhizheni uku zita rake richisvibiswa zvikuru nezvinhu zvaainge asina kuita.

Tinonzwa kuti Ropafadzo akanga aruma amainini vake chigumwe ndokuchisiya chave kuita sechichadambuka. Amainini vacho vakabva vatama pamba apa vachiti vaizodzoka kana Ropa ave munhu ane unhu hwakanaka. Aya aive mavanga erudo avakanga vasangana nawo.

Rudo rwaStanley naBeaula rwakasiya mavanga kuna Bhasopo uyo akapfurwa nepfuti pachipfuva ndokubva afa. Izvi zvakaitika mushure mekunge Bhasopo aonekwa achitaura nemuvengi, Stanley aive nechinangwa chekuronda mabasa ehutsotsi aiitwa nechikwata chaSolo naVheremu.

Stanley anoona nyeredzi paanokaviwa musoro naRobert vachirwa vari kuChriston Bank. Mushure mazvo Monya anokandira katabhuru kuna Stanley kachibva kanorovera kumadziro ndokutyoka. Aya akanga ari mavanga akasiiwa pana Stanley nekuda kwerudo. Monya anozosimudzwa makumbo ndokuwira pasi achinorovera nemuromo ndokutanga kurutsa doro nezvimwe zvaainge adya asati abhutsurwa neshangu padumbu. Kufunurwa kunoitwa ganda raStanley nepfuti yainge yaridzwa naVheremu kunomusiya ave nerimwe vanga rerudo. Vheremu anozorohwawo chibhakera chematsenganzungu naStanley ndokunowira pasi achibva akaviwa neshangu pakarepo ndokurutsa doro rakasangana neropa.

Zvisinei, akarohwazve nechibhakera pamuromo ndokutanga kujuja ropa. Zvese izvi zvaikonzerwa nerudo rwaStanley naBeaula rwakanga rwaita ukasha hwekusiya mavanga muvanhu. Stanley anopepuka ari pamubhedha muchipatara cheAvenues Clinic achirwadziwa nemusana zvakaomarara. Aya mavanga akanga akonzerwa nekupiswa kwaakaitwa nemoto achiedza kutakanura musikana wake, Beaula murimi remoto kuChriston Bank sekuziviswa kwaanoitwa nachiremba. Aya akanga ari mavanga erudo aimurwadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey