Syngenta yosimudzira varimi vekuChiweshe

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Syngenta yosimudzira varimi vekuChiweshe VaJoe Mkahla

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI yeSyngenta iri kubatsira zvikuru varimi vadiki kuti vange vachipunduka mubasa ravo nezvirimwa zvakadai sechibage nemuriwo.

Munguva pfupi yadarika, kambani iyi yakashanyira mumwe murimi mukuru wechibage kuChiweshe uyo akapunduka mushure mekushandisa mbesa dzeSyngneta akabura matani manomwe echibage pahekita imwe chete. Hurudza idzi ndaVaMushoriwa Kurasha nemudzimai wavo, Mai Constance Mutize.

Vachitaura pazuva rekumemwa kwegoho revarimi ava, munyori mukuru kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro – VaRingson Chitsiko – mumashoko avo akaverengwa naVaMusekiwa Murisi vanove District Extension Officer weMazowe District, vakatenda zvikuru kambani yeSyngenta mukutsigira varimi.

“Ndinofara zvikuru nekuparura chirongwa chevarimi vadiki muno mudunhu reMazowe cheSyngenta Reference Farmer Network (SRFN). Kana varimi vakaumba zvikwata zvakadai zvinovabatsira mukufambiswa kwemashoko angava ezvinetso zvavanosangana nazvo mukurima kana zvine chekuita nebudiriro. Zvakare madhumeni anokwanisa kuvabatsira nenguva nekuti mashoko anenge achifambiswa pamwe chete,” vanodaro.

Vanoti Syngenta iri pamberi pasi rose  mukushanda nevarimi uye inowanisa varimi vanodarika 28 000 mabasa munyika dzinodarika 90.

“Kambani yeSyngenta inozivikanwa zvikuru nekuita mabasa eongororo dziri maringe nekusimudzirwa nenyaya dzekurima pamwe nekuchengetedzwa kwaro. Zvimwe zvezvirimwa zviri kutsigirwa nekambani iyi zvinosanganisira mbeu dzechibage, maringazuva, muriwo uye barley. Kambani iyi inokoshesa kusimudzirwa kwevarimi munyaya dzebudiriro uye upfumi, zvikuru sei vagari vekumaruwa kuti vange vachirima zvirimwa zvinovabatsira muno pamwe nezvekutengesa kunze kwenyika,” vanodaro.

Mambo Negomo, VaLucious Chitsinde vekuChiweshe vanoti vanofara nezvirongwa zvinobatsira mukudzinga nzara mudunhu ravo.

“Ndinofara zvikuru nechirongwa chakaunzwa mudunhu mangu neveSyngenta, tichada kurima mbeu dzavo muchirongwa cheZunde RaMambo nekuti tava nenherera uye chirikadzi dzakawanda dzinoda kuriritirwa muno. Mbeu yavo taona yakanaka zvikuru, haikasi kuparadzwa nezvipfukuto,” vanodaro.

VaJoe Mkahla vanove mumiriri wekambani yeSyngenta muZimbabwe vanoti donzvo ravo ndere kusimudzira varimi vemuAfrica, zvikuru sei vekumaruwa kuti vange vachiwana goho guru mushure mekurima ndima diki.

“Huwandu hwevanhu huri kuwanda munyika muno nokudaro goho rinofanira kuwandawo kuitira kuti nyika isaite nzara. Tinofundisa varimi kurima kwakanaka kunovapa goho guru pasina kushandisa mari yakawanda. Tinovakurudzira zvakare kuti varime zvirimwa zvinoenderana nematunhu avanogara kuti vasarasikirwe. Varimi vanofanira kusakura zvirimwa zvavo nekudiridzira uye kuzviwanisa fetereza yakakwana kuti vasarasikirwe negoho,” vanodaro.

Zvisinei, vanochema-chema nenhau yekukurwa kuri kuitwa ivhu munyika muno zvichikonzerwa nekurima mumahombe-kombe enzizi nekusachengetedzwa kwemasango.

VaMkahla vanoti mhando yembeu yavo haidi fetereza yakawanda uye vari mushishi yekudzidzisa varimi marimirwo ayo.

“Kubvira gore rapera kusvika parizvino, takakwanisa kudzidzisa varimi 35 000 uye tiri kutarisira kudarika apa. Tinokurudzira varimi kuti vachengetedze magwaro maringe nembesa dzavanorima,” vanodaro.

Zvakadai, VaKurasha vanove murimi mukuru wembesa dzeSyngenta kuMazowe vanotenda zvikuru rutsigiro rwavanopihwa nekambani iyi.

“Tinofara zvikuru nekuti takawana goho ratakange tisingatarisiri pahekita imwe chete yatakarima yechibage tichishandisa mbeu yeSygnenta takabura matani manomwe. Tinotenda zvikuru mvura yemudenga yakanaya mwaka uno uye ruzivo rwatakapakurirwa nevarimisi vemuno,” vanodaro.

Syngenta iri kuita mabhindauko erudzi urwu kunyika dzinosanganisira Tanzania, Kenya neZambia achidaidzwa kunzi “eShamba”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey