Szczesny ari panguva yakaoma kuRoma

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUBATI wepagedhi weArsenal, Wojciech Szczesny, ari panguva yakaoma kuRoma uko kwaari kutambira nechikwereti zvichitevera nyaya yekunzi akaburitswa muchikwata ichi abatwa achisvuta fodya. Chizvarwa chekuPoland ichi chakabhadhariswa faindi naArsene Wenger muna Ndira gore rino akabatwa achisvuta fodya apo Arsenal yakakundwa neSouthampton izvo zvakazokonzeresa kuti aburitswe muchikwata ichi.

Sekubuda kwazvakaita muGazzetta dello Sport, Szczesny ave kudzokorodza hunhu hwake hwakafumuka izvo zvinogona kunge zvakatuma murairidzi weRoma Rudi Garcia kuti amuburitse muchikwata chavo icho chakakundwa neAtalanta svondo radarika.

Garcia ari kunzi haasi kuda kutaura zvakanyanya pamusoro penyaya iyi kuti sei akatambisa mumwe mubati wepagedhi asiri Szczesny. Asi shasha iyi iri kurakidza kuti yave kukanganisa ramangwana rayo kana ikatadza kugadziriswa hunhu hwayo. — Metro Online

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey