Tambu aroorwa. . . asi Netsai ari murima

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

“HUNDI KWANDIRI” naPeldah Hove (55-64)

Nyaya yacho (Enderero mberi):

Pamba paGwisai panosvika VaMandeya, mwana wekwababamukuru, vanhu ndokukwazisana, babamukuru ndokuzoratidzwa kwaive nababamunini wavo. Vaviri ava vanotanga kutaura babamukuru ndokupira zvaive zvavasimudza zvikara ndokuzevezerana nyaya. Netsai anozvishairwa pazvo kuti vainge vachikurukura maerano nei zvikamunetsa chaizvo. Paanotsveta sadza nhaurwa inobva yagurwa zvokuti hapana nekaanonhonga.

Gwisai naMandeya vanobuda vose, Gwisai ndokubva ati kwaaenda ndikoko. Manheru ezuva rakarero, Netsai anonzwa pamusuwo kugogodzwa ndokuona kwopinda Gwisai, Mandeya, Tinei munin’ina waGwisai hwakwana amai, Mafios muzukuru waGwisai akazvarwa nehanzvadzi yake isati yaroorwa Zambia, Robbie sahwira waGwisai, Titos shamwari yaGwisai yepabasa, uye chimwe chiso chairatidza kuve chitsva kuna Netsai.

Netsai anoenda kunovamhorosa asi hapana icho anosumwa. Pane zvaanogona kunhonga muhurukuro yavo. Zvaanonzwa ndezvinotaurwa naGwisai achiti anoda mari yechikoro, neye “under age nekuti vakaita zvekubhinya apa.

Vaita izvi, ndipo vanozotaurirana nezveroora. Netsai anotambudzika nezvaanonzwa ndokuzvibvunza mibvunzo yakawanda iyo isina mhinduro. Sadza haazomboridyi zvakanaka.

Madzamatsama emari anoiswa patafura anotorwa kunovigwa naGwisai achiti achazosumira kuna nyakutumbura. Anobuda nevaenzi vake, Netsai kudotsvaga mari iya hapana nechaanowana.

Gwisai anoendera zvachose nevaenzi vake kudzamara dzimwe svondo mbiri dzapera. Manheru aanodzoka pamba anouya nedungwe rake riya, Netsai ndokuzovhundutswa nemotokari yaanoona ichimira pachivanze umo munoburuka vakadzi vaviri, mutekenyi wayo wechidiki nemumwe mutana airatidza kutsvinda kwomudhorobha.

Vana ava vanodarika nemukicheni munaNetsai, varume vachirova gusvi vakananga kuimba yedandaro. Netsai anoti misodzi mokoto apo anoona Tambu oshaya kuti chii chiri kuitika munhu ongodzungaira achizvibvunza shungu ndokumubata.

Muimba yedandaro nyaya inotambwa, Netsai achingobatawo ichi neicho ari mukicheni munhu achinonoka kugadzira zvekudya.

Dare rinoparara, Gwisai ndokuvaperekedza, pamba ndokusara Tambu nemurume wake, tete Neriya hanzvadzi yaTariro naVaJasi, babamudiki vaTariro ndokubva azovaitira zvekudya nekuvapa pekurara. Mangwana acho, tete Neriya nababa Jasi vanoenda nebhazi vosiya Tambu naTariro pavatezvara.

Chinoshamisa Tariro kusaona tezvara pamba ndokubva atadza kubvunza Tambu. Panguva iyi ndipo apo Netsai akazoziva kuti Tambu ainge aroorwa naDhokotera Tariro Mangisi. Netsai anodzidza zvakawanda zvinoti Tambu ane nhumbu yemwedzi mishanu, ainge abvisirwa zviuru zvisere zvemadhora kwasara zviuru zviviri, zvipfeko, danga remombe sere nembudzi dzemasungiro iye kana kumboudzwa zvake.

Amai vanotaura zvinonetsa kuna Tambu uyo anovapakaidza zana remadhora ndobva afuratira misodzi yaamai vake. Iye anokurumidza kumedza yakewo mari ava kunanga kumotokari kuna Tariro nekuti murume wake haaifanira kuzviziva izvi zvikave chidzidzo kwaari kuti haaizofa akarasa amai vake zvimwe kwaaienda aizosanganawo nazvo.

ONGORORO

Zvinoitika mukanyaya aka zvinonyatsa kuenderana nemusoro wenyaya “Hundi Kwandiri”. Hundi ndiwo matsembe (chaff) aya anosarira kana munhu wapura mhunga. Tsanga dzacho (grain) ndidzo dzinokosha dzochengetwa mudura kuti dzizoshandiswa. Hundi yacho inotariswa sechinhu chisina nebasa rose, chisisadiwi uye chinogona kuraswa.

Munhu kana uchinzi uri hundi hauna nebasa rose, uri kutariswa sechinhu chemanga-manga. Kana uchinzi tsanga ndiwe une basa nekukosha.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey