Tava kuda dzidzo yazvino: Thabela

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Tava kuda dzidzo  yazvino: Thabela Mai Thabela

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekutanga maSmart Classrooms (E-Learning) muzvikoro zvepuraimari ekukurudzira kushandiswa kwemakombiyuta mukudzidza kwevana nedonzvo rekuti vafambirane nenguva uye vagozova nehunyanzvi hwekugadzirisa matambudziko anosangana nenyika mune remangwana.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, pagungano reSecretary’s Merit Awards pachikoro cheEmganwini Primary School, kuBulawayo svondo rapera.

MumaSmart Classrooms, vana vanodzidza kuburikidza nemasai-sai nedandemutande uye nedzimwe nzira dzechizvino-zvino.

Gungano iri rakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Vabatei vachiri vadiki apo tinoshanda mukusimudzira dzidzo yemhando yepamusoro-soro”.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana nebhengi reFBC kupa malaptop 45, standard projector, interactive board newhite board zvekushandisa mumaSmart Classrooms aya.

Chikoro ichi chakapihwa zvakare $10 000 yekuvandudza zvivakwa zvacho kubva kubazi redzidzo iri.

Mai Thabela vanoti kudzidza pachishandiswa chizvino-zvino semasai-sai zvinoenderana nehurongwa hwebazi ravo hwekuti vana vafambirane nenguva.

Vanoti kushandisa chizvino-zvino pakudzidza kunobatsira kuti vana vave nehunyanzvi hunobatsira pakuvandudzwa kweupfumi munyika pamwe nekusimudzwa kwemaindasitiri.

“Bazi redu rine hurongwa hwekudzidzisa vana vanozova nyanzvi mukugadzirisa matambudziko akasiyana-siyana mune ramangwana ravo. Naizvozvo tiri kukurudzira kushandiswa kwechizvino-zvino muzvikoro zvedu zvose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey