Tinoda kuti Cadetship irambe iriko: Gandawa

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE yakazvipira kubatsira vana vanoshaya nemari yechikoro pasi pechirongwa cheCadetship, kunyangwe zvazvo pari zvino isiri kukwanisa kupa ruyamuro urwu nekuda kwematambudziko ari kusanganikwa nawo munyaya dzeupfumi.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reSenate nguva pfupi yadarika.

Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation kuMatabeleland North, Senator Hebert Madolo Sinampande.

Sen Sinampande vaida kuziva kuti Hurumende ichatanga rinhi kubatsira zvakare vadzidzi vanoshaya zvichitevera kumiswa kwakamboita chirongwa ichi.

Dr Gandawa vanoti Hurumende ine chishuwo chekuti vadzidzi vanobva kumhuri dzinotambura vabatsirwe mufundo yavo.

“Zvisinei, Hurumende yakambomisa chirongwa ichi nekuda kwematambudziko ekushomeka kwemari. Asi kana mamiriro ezvinhu akasanduka, tinotanga zvakare kubatsira vadzidzi ava avo pari zvino vatisiri kukwanisa kuyamura nemari yezvikwereti.

“Semaziviro amuri kuita, takatotanga kubatsira vamwe vashoma vatinokwanisa zvichienderana nemari inenge iripo,” vakadaro.

Vachipindura mumwe mubvunzo, Dr Gandawa vanoti dambudziko rekushomeka kwepekugara kwevadzidzi mumayunivhesiti nemakoreji eHurumende iguru.

Vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation weMatabeleland South, Sen Bheki Sibanda, avo vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukurerutsa dambudziko repekugara kwevadzidzi kumakoreji nemayunivhesiti.

Dr Gandawa vanoti dambudziko iri rakatarisana nemayunivhesiti mazhinji.

Hurumende, vakadaro, ine hurongwa hwekuti itsvage rubatsiro kubva kune vemabhanga rwekuvaka dzimba dzevadzidzi dzekugara uye hurukuro idzi dzave padanho repamusoro.

“Pari zvino tiri kuita hurukuro nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) nebazi rehomwe yenyika kuitira kuti rendi yedzimba idzi isazodhurira vadzidzi.

Sen Sibanda vakabvunza zvakare kuti ichokwadi here kuti Hurumende ine pfungwa dzekuisa mibhedha yemudurikidzwa (bunk beds) kudzimba dzinogara vadzidzi kumakoreji nemayunivhesiti.

Dr Gandawa vakaramba mashoko aya vachiti hapana hurongwa hwakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey