Tinoda zvimwe zvikoro: Mavima

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi
ZVAKAKOSHA kuti mapoka akasiyana pamwe nemakambani akazvimirira abatane neHurumende mukusimudzira dzidzo, zvikuru panyaya yezvivakwa, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanodaro.
Prof Mavima vakataura mashoko aya mudare reHouse of Assembly vachipindura mubvunzo wemumiriri weNkulumane mudare iri, VaTamsanqa Mahlangu, avo vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukupedza dambudziko rekushomeka kwezvikoro izvo zviri kuita kuti vamwe vana vadzidze mangwanani, vamwe vachitanga masikati.

VaMahlangu vakati izvi zviri kuita kuti vadzidzi vasabudirire muzvidzidzo zvavo zvakanaka.
Prof Mavima vakati nyaya yekusimudzira dzidzo munyika inoda mushandirapamwe kwete kungomirira Hurumende chete. “Kunze kwezviri kuitwa neHurumende, makambani akazvimirira nemamwe mapoka anofanira kubatana nebazi redu mukusimudzira zvivakwa zvezvikoro,” vakadaro.

Vakati ongororo yakaitwa gore rapera inoratidza kuti nyika yose inoda zvimwe zvikoro zvitsva zvinosvika 2 056 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.

Prof Mavima vakati pari zvino kune vamwe vana vachiri kufamba nzendo refu dzinosvika makiromita 24 pazuva pakuenda nekudzoka kuchikoro, izvo zvinogona kukanganisa budiriro yavo mudzidzo.Prof Mavima vakatenda masangano akatsaukana ari kushanda neHurumende mukusimudzira fundo. Vakati vari kushanda zvakare nemakanzuru, vagari vemunharaunda nemasangano anomirira vabereki, emaSchool Development Communities, mukutsvaga nzira dzekupedza dambudziko rekushomeka kwezvikoro.

Prof Mavima vakati bazi ravo, semamwewo mapazi eHurumende, riri kusangana nedambudziko rekushomeka kwemari yekushandisa.

“Hurumende haina zvekushandisa zvakakwana uye hatikwanisi kuita izvi toga, ndicho chikonzero tiri kutsvaga vamwe vabatsiri,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey