‘Tiri kugadzirisa kushomeka kwematicha’

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru nekuda kwedambudziko rekushomeka kwevadzidzisi veScience neMathematics muzvikoro zvesekondari uye iri kutora matanho akasimba akananga kugadzirisa mamiriro ezvinhu aya.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri wePelandaba-Mpopoma, VaJoseph Tshuma.

VaTshuma vaida kuziva hurongwa hweHurumende maringe nekuona kuti zvikoro zvesekondari, zvikuru zviri kuMatabeleland neBulawayo, zvawana vadzidzisi veScience neMathematics vakakwana.

Vakati kushomeka kwevarairidzi ava kuri kuita zvakare kuti kuve nevadzidzi vashoma vanobva kumatunhu aya vari kubudirira kuita zvidzidzo zvinoenderana neScience payunivhesiti yeNational University of Science and Technology (NUST).

Prof Mavhima vakati dambudziko rekushomeka kwevadzidzisi vezvidzidzo izvi harisi kumatunhu eMatabeleland neBulawayo chete, asi kuti nyika yose.

“Kushomeka kwevadzidzisi veScience neMathematics hakusi kuBulawayo neMatebeleland chete, asi kuti iyi inyaya yenyika yose uye tiri kuzvigadzirisa sebazi rezvedzidzo.

“Tine kushomeka kwevadzidzisi ava kwakanyanya uye zvakakosha kuti nhengo dzedare rino dzizive kuti kuburikidza nerutsigiro rwemutungamiriri wenyika, President Mugabe, pamwe nevamwe vabatsiri, takatanga chirongwa chekudzidzisa varairidzi veScience neMathematics,” vakadaro.

“Vakawanda vavo vari kudzidziswa paBindura University of Science and Technology. Iye zvino pane kurudziro iri kuitwa yakananga kusimudzira zvidzidzo zveSceince kubva kudanho repuraimari kuitira kuti vadzidzi vange vachizvifarira.”

Vachipindura mumwe mubvunzo waMai Priscilla Misihairabwi-Mushonga, Prof Mavima vakati vadzidzisi vanoendeswa kuzvikoro zvichienderana nezvidzidzo zvinenge zvichidiwa pachikoro chimwe nechimwe.

Mai Misihairabwi-Mushonga, avo vanomirira Proportional Representation, vaida kuziva kuti sei dzimwe nguva vamwe varairidzi vachiendeswa kumatunhu anotaurwa mitauro yavanenge vasinganzwisise.

“Munotumira varairidzi vanenge vasingakwanise kunyatsotaura mitauro inoshandiswa mumatunhu avanenge vari yakaita seNdebele sei?” vakabvunza.

Prof Mavima vakati varairidzi ava vanotumirwa kuzvikoro zvichienderana nezvikumbiro zvinenge zvapihwa.

Vakati bazi ravo rakatanga chirongwa chekudzidzisa varairidzi mitauro yemuno avo vanozodzidzisa vana vachiri kuyaruka zvichienderana nemitauro inoshandiswa kumatunhu akasiyana.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey