Tsika dzinoitwa panofa munhu

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
GUDZA ratiri kuedza kuwaranyura rakakurisa zvekuti kuti tigone kubva tariti waranyu rese rinorema, nekudaro tinobata pano neapo tichiedza kuti zviringane.

Regai timbobata zvakanangana nerufu. Nyaya dzekuvigwa kwevafi dzine tsika dzinotevedzerwa zvichienderana nenzvimbo. Kazhinji tinoziva kuti munhu kana ashaya zvinongotora mazuva maviri kana matatu obva atovigwa kana kuraswa. Uyu anenge ari munhu nje hake asina chinzvimbo chinoera mudunhu imomo.

Zvino kana ari mambo, hazviite kuti aziviswe kuruzhinji kuti ashaya zuva iroro. Shoko rerufu rwamambo rinogona kutora kana mwedzi risati raburitswa. Vatana vemufi nevamwe vemudzinde remba yehumambo vanenge vari mushishi kutevedza tsika dzinosanganisira kuomeswa kwemutumbi.

Munguva iyoyi chero vana vadiki vemumba imomo havatomboziviswe. Ndiyo nguva zvekare inenge ichikumikidzwa mufi kumidzimu yake. Panguva iyi zvakare muninga maanenge achanovigwa munofanirwa kucheneswa nekushonongorwa kuti mufi agozogona kugara nevamwe vashakabvu zvakanaka.

Kana zvese izvi zvapera, mhere yochiridzwa hayo. Madzimambo anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi.

Zvinotevera iye zvino zvinoitwa kwakawanda kune chero mufi. Mumaruwa tinopepa varwere vari muzvipatara kana mudzimba asi pane pamwe panokomba urwere zvekuti tinenge tangomirira zuva rekuti nyama nemweya zvichipesana. Murwere uyu anenge opeperwa panzvimbo yaanovakirwa unonzi musasa.

Kana zvino nyama nemweya zvapesana, kune mari inobviswa kusuma vana tezvara nezvekufa kwemwana wavo iyo inoiswa pashizha inonzi mhere. Kana vanhu vanzwa shoko rerufu vanokotonoka nouwandu hwavo vachienda kunobata maoko. Kubata maoko itsika yevatema apo tinokumbura vakawirwa nedambudziko tichivanyaradza nemashoko.

Kana tabata maoko tinobva tazadzisa nekubvisa mari inonzi yechema yekubatsiridza parufu. Mufi anounganirwa nehama neshamwari nokudaro panodiwa husavi hwakawanda. Panobva pauraiwa mombe inonzi yenhevedzo.

Kune dzimwe nzvimbo panhevedzo iyoyo panobviswa chinhengo chenyama chinopisirwa mufi utsi huchipfungaira mudenga iyo inodaidzwa kuti pfungaidzo.

Munhu mukuru anovigwa muguva kana kuti murinda. Vamwe vanodaidza rinda kuti bwiro. Vana vadiki vanovigwa mujinga morukova, pasi pomukute kana mutsamvi. Kana mwana akazvarwa ari gavamwedzi anonovigwa panzvimbo ine mahapa pedyo nerwizi.

Kana munhu ashaya baba vake vanonzi vateme rukaha kana rukarwa. Chitunha kana chichienda kunovigwa chinotakurirwa padara kana kuti pabanda.

Kana munhu ashaya vohukama vane tsika yavanoita yekutsvaga kuti chii chakadya mudikani wavo nokudaro vanoenda kun’anga kunobvunza. Mashopeshope iwaya ekutsvaga chakauraya mufi kunonzi kurova gata.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey