Tsindira nhava

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

KANA totsindira nhava zvinoreva kuti hatisi kupa mukana wekusiya hwangwadza kwete, asi kuti tiri kutotsokera pose pane nzvimbo kana mukana wekuti nhava itakure zvakawanda izvo tichazoshandisa mberi kwatichaenda.Mumashure, takambotaura nezvemazwi anoreva zvakafanana. Takangoti mverengu pamusoro zvekuti hatina kuzowana mukana wekudzika kunobata ipo pamwoyo. Ndati titore iwoyu mukana chero zvazvo bvunzo dzakapera kuti titarise mazwi anoreva zvakafanana kuti tigoashandise.

Kana tichitsvaira marara pachivanze, tinoahorera tichishandisa zengwete kana kuti gwati. Zengwete iroro kana kuti gwati rinodaidzwa kuti chidhengesero.

Tinovhara mapoto kana zvigubhu zvemvura nezvivharo. Zvivharo izvozvo zvinonzi zviduumidzo. Churu inzvimbo inowanikwa makuru nemwena yemajuru. Rimwe zita rinoreva churu ndichidzere.

Mazuva ano vanhu voremara pakuti vabatsire munhu vanotoda “chebasa”. Chebasa kureva kuti vanenge vachida kuripwa pakukubatsira kwavanenge vaita. Muripo iwoyo unonzi chifufuriro kana kuti chiokomuhomwe.

Vanhu vakaungana pahumwe kana kuti hoka vanenge vachinwa hwahwa nemapara. Hwahwa nemapara aya zvinouya nenguva dzakasiyana dzezuva. Zvavanomwa pekupedzisira zvinonzi mharadzamusasa apo vanoti vapedza kuhukakaira, waziva kwake aziva kwake. Mharadzamusasa inodaidzwa zvekare kuti chidzungudza.

Kune mhanho yechidzvinyu chiya chinorovera musoro pasi kana chakamira. Vazhinji vanochideedza kuti chidhambakura. Vamwewo vanoti chiguyakuya.

Pekupedzisira padenga remba panonzi pachisuvi kana kuti pachiruvi. Rimwe zita rechisuvi kana chiruvi ndichidunzwa.

Vanhukadzi vanopfeka mhete idzo dzine zita ramadunhurirwa rekuti madhikauzi. Madhikauizi harisi zita reShona asi kuti rimwe zita rinoreva mhete rinonzi chichi.

Mbeva dzinogadzira padzinodheka kana kutiza napo kana dzocherwa. Panodheka kana kubuda napo nembeva panonzi pambudo kana kuti mbudyo. Rimwe zita rinoreva izvi ndichide.

Chitsitsinho chepagumbo chinodaidzwa zvakare kuti chidodoma.

Kana tichida kutaura zvakavanzika tinoshandisa madimikira. Rimwe zita rinoreva madimikira ndichidzvengu.

Imbwa dzisingabayiwi majekiseni dzinopedzisira dzobatwa nechirwere chinonzi chimbwamupengo. Chimbwamupengo chinodaidzwa kuti chikangiri. Nhekwe inochengeterwa fodya yemumhuno. Rimwe zita renhekwe inonzi chiguba.

Chibage kana chokohwewa chinotsvokonyorwa chichibva padara kana pandyanga. Kana chozochengetwa chinoiswa mushonga unouraya zvipfukuto. Chipfuto kana chipfukuto chinodaidzwa kuti chikundu. Chipfuva chemunhu ndiro diti. Gudo guru rinofamba rega rinonzi mberera. Rimwe racho rinonzi hombiro. Beta ndiro dova uye bikiro ndiro gate. Muriwo wenyevhe unonzi bangara. Doro rebumhe rinodaidzwa zvakare kuti bikakamwe.

Mubani munofudzirwa mombe munonzi mubomho. Muguri wechibage unonzi bonore. Mombe tsiru inonzi borombe. Muriwo kana uchikura unoita mhaswa. Mhaswa ndiwo masakatire kana kuti bukwa.

Sadza mbodza rinonzi bure. Manwiwa anonzi mabvembe. Bwairani mwana wehwiza. Rimwe zita rinoreva mwana wehwiza ndiuyani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey