Uncategorized

Usadherere misoro yehuku

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Usadherere misoro yehuku

Kwayedza

MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Svondo rino Tarisai Maravanyika wemuHarare anorondedzera imwe nzira yekukaringa nyama iyi.

Zvinodiwa:

Misoro yehuku, mafuta, matomatisi, hanyanisi, munyu, chikari kana poto.

Mabikiro:

Geza misoro yehuku nemvura yakachena uchiibvisa rurimi.

Bvisa makushe kana kuti mambava anenge asarira uchishandisa mvura inopisa.

Dimbura miromo urase.

Wozodii?

Chimwaya munyu nezvimwe zvinorungiswa nazvo se”chicken spice”.

Isa mafuta mupoto wosiya apise, wozokanda misoro yehuku uchikanga.

Kana ichinge yatsvukira, chikanda hanyanisi wokanga kwemaminitsi matatu.

Mushure meizvi, chikanda matomatisi pamwe nekuita kuti muto usare wakatsvukira.

Misoro yehuku usaidherere nekuti unozviruma rurimi nekunakirwa!

Inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey