‘Vabereki musahwande nemunwe’…‘. . . bhadharirai vana mari dzechikoro’

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
‘Vabereki musahwande nemunwe’…‘. . . bhadharirai vana mari dzechikoro’

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VABEREKI vari kukurudzirwa kuti vabhadhare mari yechikoro yevana vavo nenguva uye kuti vasiyane netsika yekuda kutora mukana wekuti Hurumende inoti hapana mwana anofanirwa kudzingwa chikoro kana asina kubvisirwa mari yefundo sezvo mafungiro akadai achidzorera budiriro shure. Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika nemukuru wedzidzo mudunhu reMbare/Hafield (district education officer), Mai Anatoria Ncube, pachikoro cheChitsere Primary School, kuMbare, pakupihwa kwemibairo kuvana vakakunda vamwe muzvidzidzo nemitambo.

“Kunonoka kana kuti kusabhadharwa kwemari nevabereki rave dambudziko gore negore. Vakawanda vane mafungiro asiriwo pamusoro pekuti bazi redu rinoti hapanai mwana anofanirwa kudzingwa nenyaya yekusabhadharirwa mari yechikoro. Ichokwadi kuti hapanai mwana anofanirwa kudzingwa, asi vabereki ibasa ravo kubhadharira vana vavo mari.

“Hazvifadzi kuti chikoro chino (Chitsere Primary) chave nechikwereti chemari inosvika $85 000 isiri kubhadharwa nevabereki kwemakore maviri adarika. Tinozadzisa sei zvinangwa zvedu?

“Yeukai kuti mari yose yelevy inonzi ibhadharwe yakatarwa nevabereki. Maitiro akadai anoita kuti chikoro chishaye imwe nzira yekutora asi kuenda kumatare sezvinodiwa nebazi redu,” vanodaro.

Vakazokorokotedza vadzidzi vose vakawana mibairo mushure mekukunda mune zvakasiyana ndokukurudzira avo vakakundikana kuti vashande nesimba mune remangwana.

Vadzidzi vakakunda vakapihwa mibairo inosanganisira mabhuku ekunyorera, menduru nemikombe.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru weChitsere Primary, VaKasirai Muganhu, vakatenda bazi redzidzo yepuraimari nesekondari nekuvamba zvirongwa zvakananga kusimudzira fundo.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesecondari tinoda kuritenda zvikuru nekuunza chirongwa cheEarly Reading Intiative (ERI) icho chiri kuvandudza vana vari mugwaro reECD kusvika Grade 2 mukuvadzidzisa kuverenga,” vanodaro.
Vakarumbidzazve kuunzwa kwechirongwa chinobatsira vana vanonoka kubata muzvidzidzo, chePerfomance Lag Address.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey