Vabvisa hembe parufu, ndokudzana vari musvo

21 Feb, 2023 - 09:02 0 Views
Vabvisa hembe parufu, ndokudzana vari musvo

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

VARUME vana vekwaMarange, kwaMutare, nguva pfupi yadarika vanonzi vakatamba vari musvo parufu rwevamwe ambuya vemunharaunda iyi izvo zvakaita kuti vaendeswe kudare ramambo weko.

Fungai Mhise, Zivanai Matenhese, Lloyd Matenhese naGarikai Magumezano vari kupomerwa mhosva yekuzvidza vafi pamwe nekukanganisa tsika nemagariro dzekwaMarange.

Varume ava vanonzi vakabvisa mbatya ndokutamba parufu rwaGogo Matenhese.

Zivanai naLloyd vazukuru vemushakabvu, Gogo Matenhese, kuchiti Mhise naMagumezano vavakidzani vavo.

Chikwata ichi chakamira pamberi paMambo Marange svondo rapfuura.

Mambo Marange vanoti nekuda kwemaitiro avo, varume vana ava vanogona kudzingwa munzvimbo iyi.

Zvinonzi pakuradzikwa kwaGogo Matenhese, Mhise nevamwe vake vainwa hwahwa.

Apo doro rakanga ravakora, vakatanga kuimba nziyo dzekutukirira uye kutamba zvinyadzi vari musvo vanhu vaivepo vachiona.

Vachipawo rutivi rwavo, Sabhuku Matowe vanoti vakarohwa nechikwata ichi apo vakaedza kuvarambidza kuzvidza tsika dzechivanhu parufu.

“Ndakanetseka kudzora varume ava. Vakandirova pandakaedza kutaura navo. Sahwira wavo, uyo aivewo mupengo, atadza kuuya kudare rino sezvo asiri kunzwa zvakanaka mushure mekunwa doro rakawandisa parufu urwu.

“Murume uyu akaremara uye anoshandisa madondoro, asi akatamba zvisingaite izvo zvakaita kuti adonhe akakuvara. Kumeso kwake kwakazvimba uye ane maronda muviri wose nekuda kweizvi. Zvinoita sekunge vose vakange vagarwa nemweya yakaipa,” vanodaro.

Sabhuku Matowe vanotiwo pavaiita tsika dzechivanhu parufu urwu, vakakumbira varume vose kuti vabvise ngowani setsika yavo, asi nhubu idzi dzakaramba.

“Magumezano akashevedzera kuti haabvise ngowani yake kunze kwekunge madzimai ose abvisawo madhuku ari mumisoro yavo. Itsika yedu kuti musoro wemukadzi unofanira kugara wakafukidzwa,” vanodaro.

Zvisinei, Magumezano anoramba kuti akapara mhosva iyi achiti aifudza mombe musi uyu uye haana kuenda kurufu.

“Ndakangoenda kunhamo mangwanani. Idzi inhema dzose. Musi uyu handina kudhakwa, ndaifudza mombe sezvo ndiri mushandi wekufudza mombe,” anodaro.

Asi Mhise naZivanai vanoti vainwa doro nekutamba naMagumezano sezvo aive auya nemombe kunhamo.

Vakakumbirawo ruregerero vachiti vainge vakadhakwa nedoro.

“Tine hurombo zvikuru. Ndaisaziva zvandaiita. Ndakatozoziva mushure mezvo uye ndinonyara zvikuru nemaitiro angu asina kunaka. Hama dzangu dziri kundinzvenga nekuda kweizvi. Ndine hurombo,” anodaro Mhise.

Sabhuku Matowe vanoti vakaedza kutaura naMagumezano kuti aendese mombe dzake kune imwe nzvimbo, asi zvakashaya basa.

“Aifudza mombe dzake kumakuva. Ndakamuti aende kumwe asi haana kuda kuteerera. Vakandikurira ndokutanga kutamba zvinyadzi pamberi pevanhu vaichema hama yavo,” vanodaro Sabhuku Matowe.

Mambo Marange vanoti nhubu idzi dzinofanirwa kurangwa zvakaomarara kuitira kuti vamwe vazotya kuita hunzenza hwakadai.

“Vamwe vaichema, asi makatadza kuvaremekedza nematambiro enyu ezvinyadzi.

‘‘Zvinonyadzisa kuti Zivanai naLloyd makatadza kuremekedza mbuya venyu. Pane kudaro, makatobatana neshamwari dzenyu mukaita zvisina hunhu nokudaro muchizvidza vakuru vaivapo parufu pamwe chete nehutungamiri hwechivanhu.

“Kushoreka kwakanyanya kwamakaita uye mucharangwa zvakafanira. Chirango ichocho chinokutadzisa kuita matambiro anonyadzisa kudai pane vanhu. Ndinokuvimbisai, hamuzozviita zvakare,” vanodaro Mambo Marange.

Nyaya iyi yange yakatarisirwa kuenderera mberi nekutongwa nhasi, 20 Kukadzi, apo varume vana ava vachapihwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey