VANA NGAVASANGOMBEYA: DOKORA

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvikoro zvinofanira kuona kuti vadzidzi vanenge vapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) vane zvekuita kwete kungoswera vachingomberereka nenyika kunge mombe dzemashanga.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wenhengo yeProportional Representation, VaGoodluck Kwaramba avo vaida kuziva mutemo uripo maererano nevadzidzi vanenge vapedza kunyora Grade 7 vachiti vamwe vacho vari kungoonekwa vachimberereka mumigwagwa.

Dr Dokora vanoti zvagara zvichizivikanwa kubvira kare kuti vana vanenge vapedza Grade 7 vanopihwa zvekuita zvakasiyana pachikoro.

“Kana paine vana vakapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 vari kumberereka vasina zvekuita kumatunhu enyu, zivisai mahofisi ezvedzidzo emaDistrict Education Offices pagotorwa matanho akakodzera,” vanodaro.

Vadzidzi veGrade vakapedza kunyora bvunzo dzeGrade 7 svondo rapera pamberi.

Vachipindura mumwe mubvunzo wenhengo yeProportional Representation zvakare, Mai Priscilla Misihairabwi-Mushonga, Dr Dokora vakati hachisi chokwadi chekuti vadzidzi veO-Level munguva iri kuteverera vanenge vobvumidzwa kunyora bvunzo dzavo dzeZimsec chete mushure mekunge vave nemarezinesi ekutyaira motokari.

Mai Misihairabwi-Mushonga vaida kuziva kana chiri chokwadi chekuti vadzidzi veO-Level vachange vave kurambidzwa kunyora bvunzo idzi kana vasina marezinesi ekutyaira motokari zvichitevera mashoko akambobuda munhau.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey