Vana vane humhizha hwakadzama

20 Oct, 2023 - 00:10 0 Views
Vana vane humhizha hwakadzama Martha Mawodzwa (kuruboshwe) naStayce Masonza vachitaridza zvimwe zvezvivezwa zvavo.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vechisikana vepaZengeza 2 High, kuChitungwiza, voshura mare nekuveza midziyo yemiti inoshandiswa muzvirongwa zvemarooro yakadai sendiro.

Humhizha uhwu hwakayemurwa nevazhinji pachirongwa cheWorld Literacy Day icho chakaitirwa paSt John’s Chikwaka, kuGoromonzi, mudunhu reMashonaland East, apo vakanga vachiratidzira zvigadzirwa zvavo pamwe chete nezvimwe zvikoro zvakabva kumatunhu gumi enyika.

Martha Mawodzwa (15) naStayce Musonza (15), avo vose vari kuita Fomu 3, ndivo vari kuita mabasa makukutu aya.

“Midziyo yamunoona pano takaiveza kumba nemiti inosanganisira mapazi ayo atakacheka tikanyora kuti ‘Tigashire Vakwasha’ uye ndiro dzemuti idzo dzinoshandiswa pamarooro apo dzinoiswa mari, dzine zvirehwa-rehwa zvakasiyana.

“Midziyo yatakanyora iyi inoiswa nechepamusuwo panosvikira vakuwasha apo vanenge vachipinzwa muimba yekuroorera. Izvi zvinoita kuti vafare uye vazive mumwoyo mavo kuti vari kudiwa panzvimbo uye vanga vakatomirirwa kuti vatore mhandara yavo yavanozopinda nayo musvitsa,” anodaro Martha.

Stacey anoti vanhu vazhinji vari kuedza kudzoka mukuita zvinhu zvaiitwa pasichigare asi zviine humhizha hunofambirana nechizvino-zvino.

“Kushandiswa kwemidziyo yakadai sendiro dzemiti, mhasa, chuma nechinu chemafuta zvakabvira pasichigare asi zvizvarwa zvemazuva ano zvanga zvave kusiyana nazvo vachida zvigadzirwa zvechirungu zvinopenya sendiro dzegoridhe. Saka takaona kuti kana tikagadzira midziyo yemiti zvine humhizha, vanhu vanoguma vava kuifarira kuti tisarase tsika nemagariro edu sevanhu vatema.

“Tine zvekare mudziyo wejira jena iro rinopihwa kuvakwasha kuti vacheke pakati kana mwanasikana akaonekwa asiri mhandara. Hongu, tsika idzi dzava kuita sedziri kuyeredzwa nechirungu asi vazhinji vachiri kudzitevedza nekuti chivanhu hachiraswi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey