Vana vapihwa mabhuku 1 000 ekuverenga

01 Nov, 2023 - 17:11 0 Views
Vana vapihwa mabhuku 1 000 ekuverenga Eureka Gold Mine

Kwayedza

Fungai Lupande

ZVIKORO zvina zvemuGuruve, kudunhu reMashonaland Central zvakawaniswa mabhuku ekuverenga anodarika 1 000 senzira yekusimudzira dzidzo nekambani yeEureka Gold Mine.

Zvikoro zvakabatsirwa nemabhuku aya zvinosanganisira Muzika Primary School, Chimanikire Primary School, Muroiwa Primary School neGuruve Primary School.

Eureka Gold Mine human capital support services manager, VaTinago Tinago, vanoti rubatsiro urwu chikamu chavo chekudzorera kunharaunda dzavanodyidzana nadzo zvichifambirana nehurongwa hunoendeka hwekusimudzira upfumi hwenyika hweVision 2030.

“Tinofara zvikuru nehukama hwatinahwo nevagari vemuno muGuruve uye ticharamba tichibatsirana navo kuti tishandure upenyu hwavo,” vanodaro.

VaPineas Dambuza vanova Guruve District Schools Inspector vanoti vanofadzwa nekupasa kwakaita vadzidzi pachikoro cheGuruve Primary School.

“Chikoro ichi chakapasa nechikamu che72, 7 percent mugore ra2021. Zvisinei, handina kufadzwa nezvikoro zvakadai seChimanikire neMuroiwa Primary sezvo zvakapasa nechikamu che36 percent ne4 percent,” vanodaro.

VaDambuza vanokurudzira zvikoro nevarairidzi kuti vashandise rutsigiro rwemabhuku aya nemazvo.

Vanoyambirawo zvikoro kuti zvisiyane nekatsika kekuitisa vana zvidzidzo zvinobhadhariswa zvemaextra lessons sezvo iri mhosva huru.

Mumiriri weGuruve North mudare reNational Assembly, Cde Grovah Dzapasi, vanotenda Eureka Mine nerutsigiro urwu.

“Kuburikidza nekugona kweHurumende yedu inotungamirirwa naPresident Emmerson Mnangagwa, iri kushanda nemazvo mukuona kuti vana vawaniswa dzidzo yakakwana nekusimudzira raramo yevarairidzi. Ngatisiyanei nekuita zvinhu zvinodzikisira dzidzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey