Vandudzo yedzidzo yakare

25 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naChiremba
ZVABUDA pachena kuti hwaro hwedzidzo hwanga hwoda shanduko, vaive President, VaR. G. Mugabe vakaumba dare raizoongorora dzidzo yedu. Dare iri raifanirwa kukomekedza shanduko yaidikanwa mudzidzo itsva yeZimbabwe.

Dare iri rakamiswa mugore ra1998 richitungamirwa namuzvinafundo VaC. Nziramasanga.

Muna 1999 dare iri rakazobuda nezvarakawana muongororo yarakaita (ripoti) izvo zvakaturwa kune aive mutungamiri wenyika nedare remakurukota eHurumende. Ripoti yakati paive neshanduko zhinji dzaidikanwa mudzidzo.

Shanduko idzi dzaisanganisira kusandurwa kwekosi yechikoro chevana vepuraimari kubva kumakore manonwe kusvika mapfumbamwe. Izvi zvaireva kuwedzera makore maviri.

Pamakore maviri aya mwana anozodzidza danho re ECD (Early Childhood Development) A gore rekutanga, ozodzidza ECD B gore rechipiri.

Nokudaro hapana mwana aizodzidza giredhi 1 asati adzidza ECD A neECD B.

Makore edzidzo yesekondari haana kusandurwa. Akaramba angori matanhatu, fomu yekutanga kusvika yetanhatu.

Gwaro raVaNziramasanga nedare ravo rakatambirwa neHurumende.

Ratambirwa kudaro, zvakareva kuti chakanga chatoputika, hwaro hwedzidzo (Curriculum Framework) hwaifanira kutoumbwa, poitwa gadziriro dzekuzazanura hurongwa uhu nekuzopedzisira hworudunurwa muzvikoro.

Chakatanga kunzwa pfungwa dzevanhu maererano nebindurazvinhu mudzidzo yevana. Zvakaitika mukupera kwegore ra2013 apo vanhu vanosvika 961 000 vakapa pfungwa dzavo kudare iri.

Nhapapfungwa iyi ndiyo yakave hemeni mukudzumbunurwa kwehwaro hwedzidzo hutsva.

Kubva ipapa mabumbiro ezvidzidzwa zvakatsaukana akaumbwa nenyanzvi dzakatorwa mumapazi anoita nezvedzidzo. Mabumbiro emaedzwa aya aitwa, pakave nezvikoro zvakasarurwa kuti hwaro hutsva nemabumbiro matsva zviyedzwe.

Zvikoro izvi zvaiti zvemumaruva, zvemumaguta — zvepuraimari nezvesekondari.

Zvakabuda zvakave pachena semwedzi wechirimo. Mabumbiro akanga akanaka, uye achishandika nawo. Paivewo netubingamupinyi twakaonekwa mukuyedzwa kwemabumbiro uku asi zvakanaka zvaidarika zvakaipa.

Zvadai, bazi rezvedzidzo rakakavira bhora mberi, dzidzo itsva ikapinda muzvikoro mugore ra2017.

Chakava chipatapata kukavira bhora iri mberi muna Ndira. Dzidzo itsva yatangisa muzvikoro mumagwaro anoti ECD A, giredhi 1 negiredhi 3 kupuraimari uye fomu 1, fomu 3 nefomu 5 kusekendari.

Muchikamu chinotevera totarisa nheyo dzehwaro hwedzidzo itsva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey