Vanhu vawanda mudzimba mbiri

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

“MASIMBA” Nyaya pfupi dzakapepetwa naChiedza Musengezi (Bhuku idzva) “Mavambo namagumo” naKeresia Chateuka

Ticha Tichaziva

NYAYA YACHO:

Amainini amai vaRobert vanorovera amaiguru vavo runhare vachivaudza nezvekukomba kweurwere hwababamunini vavo Simon, baba vaRobert vachiti vaikumbira kuuya navo kumba kwavo zuva raitevera. Amai vemba vanotanga kufunganya vega vachinzwa izvi. Chiri kuvanetsa ndechekuti vanoroja mudzimba mbiri zvino vaizokwana vose sei ivo vari kugara vakatsikinyidzana sembeva?

Kudoti vabvunze mamwe madzimai vamwe vanoti ngavavadzinge, vamwe vachiti ngaangofinyama-finyama. Vasvika kumba vanoudza murume wavo uyo anoratidza kusafarira muninina wavo avo vanoti akambovatsvinyira mudzimai ndokuyedza kudzora moyo wemurume.

Vaenzi vanosvika pakaita dambudziko repokurara vakazotoita zvekuti mai nemuridzi vemba nemurume vorara pamubhedha, mainini nemurwere pasi muimba yaamai vemba yekurara. Kwapera mazuva matatu babamudiki vakati vainge vasisade kurara nedivi voda zvavo kurara vagere pasofa.

Amai vemurume vanodanwa pouyiwawo vamwe babaminini nemhandara yaive yavatizira. Poto yaibikirwa sadza haichakwani mumwe ndokupenga achiti haadi kubikira hama dzake. Upfu huya hunosvika pakupera murume oti “zvino munoda kuti ndiitewo sei”? Amainini murume wavo aive mudzidzisi, asi panotambira vadzidzisi vanoti havagoni kuenda kubhangi kunotora mari.

Iye abva kubasa aivigira babamunini tumabanzi nemaranjisi zvavaifarira. Mumwe musi uri Mugovera murwere anorwarisisa amai vemba vava kutya kuti pamba apa pachaitwa mariro. Hama dzinouya kuzoona murwere, muporofita ndokuita basa rake ndobva parongwa kuti vachitakurwa kuenda kumusha.

Chishamiso chinoitika apa ndechekuti vava panze vakaita sokupepuka ndokutanga kunyemwerera vachikwazisa vanhu ndokupinda mumotokari. Akazokumbira chokudya akadya ndokutanga kutaura zvakare. Kumusha vanomboedza zvekufamba-famba mudzin’anga kusvika vaoona ava kukwanisa kufamba-famba kwenguva yakareba oga.

ONGORORO

Kanyaya aka kanotitsanangurira kutanga kwezvakaitika nekuguma kwazvo. Tikati titsanangure zvakanyorwa kungave kudzokorora zvanyorwa pamusoro.

Mukanyaya aka munobuda madingindira akati kuti. Dingindira ratinotanga kusangana naro ndiro renhamo yekuroja, amai vemba vanobva vatiudza nezvedambudziko iri apo vanoti, “Ndinovaisa pai?”

Tonoudzwa kuti pokurara idambudziko hombe chairo apo zvinonzi, “Takazorara asi apa ndipo pakazomboita basa rokuti tikwane pokurara”.

Kuwanda kunoita vanhu kunoita kuti amai vemba vatambudzike. Tinotanga kunzwa kuti kwakauya amainini nemurume wavo, kukazouya amai vemurwere, vamwe babamunini pamwe chete nemhandara yainge yavatizira. Tinozonzwa amai vemba vachiti, “uku kuwanda kwakaita mhuri yedu, asi pokugara hapana kuwedzera” (2).

Kuzoti vanhu vacho chaivo vaive vangani? Tinonzwa amai vemba vachiti, “Ndakaverenga vanhu vaive mumba mangu ndikawana tiri gumi navatatu” (2). Tozonzwazve kuti babamunini varwarisa, “Ndakaona kuti takanga tiri makumi maviri navaviri mukamba aka” (4).

Dingindira repiri nderekuti vanhurume havadi kuterera kune zvinotaurwa nemadzimai avo. Amai vemba kuti poto yesadza idiki kana kuti upfu hwapera vanopomerwa mhosva yekuti havadi kubikira hama dzomurume.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey