‘Vanobhinya firai mumajeri’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKURU wevanasikana pachikoro cheChemhondoro High School, icho chiri kwaMangwende, kwaMurewa — uyo akambova mumiriri weMurewa West mudare reParamende yevechidiki pamwe chete nekuva kanzura munzvimbo iyi — anoshora zvikuru varume vanobata chibharo.

Tendai Kaniso (18), uyo ari kuita Form 6, anoti vanasikana vanobatwa chibharo vanoshungurudzika kweupenyu hwavo hwose.

“Zvinondirwadza zvikuru semwana wechikoro kunzwa kuti vamwe varume vari kubata vanasikana chibharo. Vanenge vashayeiko kusvika pakadaro iyo nyika yakazara madzimai kudai? Kudai zvaikwanisika, vanhu ava ngavafire mumajeri.

“Nguva yandaiva Junior MP muno, ndakaita kuti vamwe baba vaiva vabata mwana wepaChemhondoro Primary chibharo vasungwe vakatopihwa mutongo wavo, vari kujeri izvozvi,” anodaro.

Musikana uyu ari kuita zvidzidzo zveHistory, Divinity neLiterature uye anoti anoda kuzoita gweta kana apedza chikoro.

“Ndinoda kuenderera mberi nezvidzidzo zvemitemo kusvika kudhigirii rekugumisira reLaw. Ndinokurudzira kuti vabereki vachengetedze vana, vangava vasikana kana vakomana, nekuti kune zvakawanda zvakaipa zviri kuitika mazuva ano mukurarama,” anodaro Kaniso.

Anoenderera mberi achiti: “Uyewo vabereki tinovakurudzira kuti vabate vanasikana zvakaenzana nevanakomana nekuti mwana mwana chete.

‘‘Hazvitifadze isu sevanasikana kuona mwanakomana achinzi ndiye anoenda kuchikoro asi mwanasikana onzi ashairwa mari.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey