‘Varairidzi zivai makombiyuta’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Varairidzi zivai makombiyuta’

Kwayedza

Daphne Machiri
VARAIRIDZI vanokurudzirwa kuti vafambirane nenguva kuburikidza nekuvandudza mabasa avo neruzivo rwechizvino-zvino rwakadai sekushandiswa kwemakombiyuta.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo kuManicaland, VaEdward Shumba, vachiti zvakosha kuti varairidzi vave neruzivo rwakadzama rwemakombiyuta.

Vanoti murairidzi wose anofanira kunge aine gwaro raanotevedza paanenge achidzidzisa vana reScheme Cum Plan.

“Tinokurudzira kuti varairidzi vashandisewo makombiyuta mukunyora maScheme Cum Plan avo inova nzira yekusimudzira kushandiswa kwemakombiyuta takanangana neruzivo rwechimanje manje,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mudzidzisi wese anofanirwa kudzidzisa achitevedza gwaro iri uye Scheme Cum Plan inofanirwa kufambirana nenguva, kunyanya takatarisana nechirongwa cheNew Curriculum.

“Hatitarisire kuti vadzidzisi vashandise gwaro reScheme Cum Plan remakore ekare kare kana ekune dzimwe nyika ekutora padandemutande.”

VaShumba vanoti panoshanyira maDistrict Schools Inspector muzvikoro, vanenge vachida kuona kuti varairidzi vari kudzidzisa vana vachitevedzera zvavanenge vakanyora mumaScheme Cum Plan avo here.

“Kana tave kutumira maDistrict Schools Inspector (DSI) muzvikoro kuti vanoongorora mashandiro anenge achiita varairidzi, mumwe nemumwe anofanirwa kunge akarongeka achitevedza zviri muScheme Cum Plan yake,” vanodaro.

Zvichakadai, kune vamwe varairidzi vari kuchema-chema vachiti vakuru vezvikoro zvavo vari kuvati vanofanira kunyora maScheme Cum Plan avo mumabhuku vachishandisa mawoko.

Mumwe murairidzi wepane chimwe chikoro chiri kuChipinge anoti mukuru wepachikoro chavo akavaudza kuti haadi maScheme Cum Plan anenge akataipwa nekombiyuta asi akanyorwa neruwoko.

“Chokwadi munguva ino yeruzivo rwechino-zvino ndipo powonzwa mumwe mukuru wechikoro achiti anoda maScheme Cum Plan akanyorwa nemawoko? Hakusi kuda kutidzosera kumashure here uku kunguva yeStone Age vanhu vachiri kupfeka nhembe?

“Chakakosha ndechekuti zvauri kudzidzisa vana zviri kuenderana here nezviri muScheme Plan yako kwete kuti hanzi inyore nemawoko,” anodaro mudzidzisi uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey