Varimi vofarira kunaya kwemvura

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Varimi vofarira kunaya  kwemvura

Kwayedza

VAMWE varimi vemuguta reHarare vakatambira nemufaro mukuru kunaya kuri kuita mvura sezvo zvirimwa zvavo zvakange zvave kukanganisika nekuda kwezuva iro raive ranyanya kupisa nguva yadarika.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo munzvimbo dzakasiyana muHarare pamwe nehurukuro nevarimi avo vaive vari mushishi kuita mabasa akasiyana muminda yavo.

“Tiri mubishi kusakura sora ranga rakura muchibage pamwe nekudyarurura nekuisa fetereza mune zvimwe zvirimwa. Tinotenda zvikuru kuti mvura yave kunaya nekuti takange tisisina kana tariro nekuda kwekunyanya kupisa kwezuva,” vakadaro Mai Siphiso Mhlanga vekuGlen-view muHarare.

Muzvare Emily Gukuta vekuSunningdale 2, vanoti mwaka uno wakasiyana nemimwe sezvo mvura yakanonoka kunaya.

“Ini ndakadyara nemvura yekutanga, zvirimwa zvangu zvakakanganiswa nezuva asi ndine tariro yekuti tinogona kubura goho rakanaka kana mvura ikaramba ichinaya zvakanaka,” vakadaro.

Mumwe murimi wekuHopely, VaSimbarashe Tinovagona (42) vanoti vakapatsanura zvirimwa zvavo pakudyara nekuda kwekuti vakange vachityira kuti mvura inogona kutadza kunaya zvakanaka.

“Mwaka uno handina kudyara mbesa dzangu semakore ose ndaisiyanisa ndichiitira nhau yemvura yemudenga iyo yaisaratidza kuve nechiedza. Ndakadyara nemvura yekutanga uye iko zvino ndave kugadzira munda wangu kuti ndigodyara zvakare kuitira kuti zvimwe zvikatsva zvimwewo zvinopukunyuka,” vakadaro.

Vanoti sevarimi mwaka woga-woga vanenge vaine tariro yekurima zvisinei nekuti vanenge vasina idi nemanairo anezenge achiita mvura.

Mumwe murimi wenzvimbo iyi, VaDickson Marunga (35), vanoti vakange vakatimbira munda wavo zvakasimba izvo zvakaita kuti mwando unge uchidzika pasi zvinova zviri kubatsira zvirimwa zvavo kuti zvinge zvichikura zvakanaka.

Zvakadai, bazi reMeteorological Services Department rinoti mwaka uno wekunaya kwemvura uno uchange uri mudiki kana zvichienzaniswa newadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey