Vavharwa US$41k yema’stands’

12 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
Vavharwa US$41k yema’stands’ Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAMWE vagari vekuGweru vanonzi vakabirwa mari yavo inosvika US$41 978 neimwe kambani inoti inowanisa vanhu masitendi ekuvaka dzimba inova nyaya iri kuferefetwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

“Pane nyaya yatiri kuferefeta yekubirwa kwevanhu mari vachinzi vachawaniswa masitendi. Nyaya iyi yakatanga mumwedzi waKukadzi mugore ra2018 vanhu ava vakabhadhara mari dzakasiyana kubvira paUS$485 kusvika $7 690 kukambani yeGreynut Investments inotengesa masitendi ekuvaka dzimba muGweru,” vanodaro Insp Mahoko.

Kambani iyi inonzi varidzi vayo vanosanganisira Jameson Museke naIsaiah Mudzengi.

Zvinonzi Mudzengi akazoshaika mugore ra2021 uye vakabhadhara mari ava vakazoziva nekuda kwemamiriro ezvinhu aya apo vakanga vava kutevera mari dzavo kukambani iyi.

“Vanhu ava mushure mekutevera kukambani iyi vachiti vaida masitendi avo, vakataurirwa kuti kambani iyi yakanga isina masitendi avo nekudaro nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa. Mukuru wekambani iyi asara Jameson Museke ari kutsvagwa uye haazi kuzivikanwa kwaari,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti kune vanhu gumi nemumwe chete vakaenda kumapurisa vachitaura kuti vakadyirwa mari dzavo nekambani iyi vachinzi vachapihwa masitendi.

“Kana kuine vamwe vanhu vakawirwa nedambudziko rekudyirwa mari iri tinovakurudzira kuti vaende kumapurisa vanomhan’ara vabatsire mukuferefetwa kwayo,” vanodaro Insp Mahoko.

Mapurisa ari kukumbira kuruzhinji kune vanoziva kuna Museke kuti vabatsire akwanise kusungwa.

“Kune vane zvavanoziva ngavaende kunozivisa mapurisa pakamba yeGweru Central Police Station kana mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey