Vobhadharirwa mari dzechikoro

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

BAZI reMeteorological Services Department riri kubatsira mukusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuvakisa dzimba dzekudzidzira uye kubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro.

Izvi zvakaziviswa nemukuru webazi iri, Dr Amos Makarau pamhemberero dzezuva reWorld Meteorological Day muguta reHarare nguva pfupi ichangodarika.

“Takazvipira kusimudzira dzidzo nekuvaka zvikoro, kupa mabhuku pamwe nekubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro,” vakadaro Dr Makarau.

“Tiri kutenderera mumapurovhinzi ose tichipakurira vana vechikoro ruzivo maererano nemamiriro ekunze zvakare tichivapa mazano ezvekuita kana nzvimbo dzavari dzichisangana nematambudziko akaita semafashamu nemhepo inenge iine dutu guru.”

Vanoti gore roga-roga kune vana vanosvika 50 000 vanoshanyira muzinda wavo vachida kudzidza pamusoro pemamiriro ekunze.

“Iye zvino takwanisa kusimudzira zvikoro zvinosanganisira Dhlamini Primary, George Stake Secondary, Makove Secondary neSamabakaruma Primary,” vakadaro Dr Makarau.

Vanoti gore rino vari kubatsira zvakare kuvakisa dzimba dzekudzidzira pachikoro cheZviyambe Primary School, kuMashonaland East.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey