Vopinzwa chikoro nen’anga

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Vopinzwa chikoro nen’anga Vamwe vadzidzi vepaEyeCourt Primary School vachiita mitambo yechinyakare. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomiririra n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) rakaumba homwe yekubatsira vadzidzi vanotambura kuburikidza nekuvabhadharira mari dzechikoro, kuvatengera mabhuku nezvimwe zvinodiwa padzidzo. Chirongwa ichi chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti, “Kubvisa rusarura rwekuti varapi vechivanhu havakoshesi dzidzo”.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, mutungamiriri wesangano reZINPA, VaFriday Chisanyu, vakati chirongwa chekuunganidza mari iyi chakauya nedonzvo rekurwisa pfungwa yekuti varapi vechivanhu havana kufunda.

“Tinoda kuti vanhu vazive kuti varapi vechivanhu vemazuva ano vakatosiyana nevekare avo vaizivikanwa nekuti vakange vasingafariri kugeza kana kurava mabhuku. Ndiko kusaka takasarudza kuita mabhindauko ekusimudzira dzidzo.

“Tine homwe yatakaumba nenhengo dzedu apo tinoita mudemhe-mudemhe tichizoti kana zviye mari iya yawanda tosarudza zvikoro zvatinenge tichida kunobatsira,” vanodaro.

“Vechidiki vatiri kubatsira muzvikoro ndivo nhaka yemangwana, kurevawo kuti vamwe vavo vanogona kuzoda kusarudza kuita varapi vechivanhu asi tinoda kuti vaise gwara redzidzo pamberi. Kunyangwe varapi vazhinji vatiinavo, takatovaendesa kuUniversity of Zimbabwe kuti vanofundira kurapa nekuti mishonga yose yatinopa varwere yave kukurudzirwa kuti inge ichipinda mumarabhoritari mainovhenekwa. Zvese izvi zvinoda dzidzo kwete kubudirwa nemudzimu bedzi.”

Munguva pfupi iri kutevera, sangano iri rinotarisira kupa mabhuku nekutenga zvipfeko zvevadzidzi vari kuita mitambo yechinyakare paEyeCourt Primary School, kuHopely, nezvimwe zvikoro zvakapoteredza nzvimbo iyi.

EyeCourt Primary chikoro chichangotanga uye chakamboita dambudziko rekubirwa midziyo yacho nembavha nguva yadarika zvinova zvakaita kuti chidzokere kumashure.

“Takatanga mabhindauko ekubatsira vadzidzi muzvikoro muna 2010 apo takabhadharira fizi vamwe vana vepaDombonzvuku Primary School, kwaMurehwa. Mugore rakatevera racho takabatsira vadzidzi vepaMkoba Primary School, kuGweru, vanove nherera nemari yechikoro nemabhuku uyewo mwedzi wadarika takabatsira vana vepane chimwe chikoro chekuEpworth nemabhuku,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoti chishuwo chavo kuti vakwanise kubatsira vana vakawanda, zvikuru vemukaruwa nemari dzechikoro nezvekushandisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey