Vopunduka nekupfuya huku

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Vopunduka nekupfuya huku Cde Remigious Matangira

Kwayedza

Cde Remigious Matangira

Cde Remigious Matangira

CHIRONGWA chekupfuya huku kudunhu reBindura South chabudirira zvikuru icho chinonzi chiri kubatsira raramo yemhuri dzinodarika 2 000.

Mumiriri wedunhu iri mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vanoti vakavamba chirongwa ichi makore matatu akadarika nedonzvo rekusimudzira varimi vemunzvimbo iyi vachiwanisa hukwana zana pamhuri izvo vanoti zvapundutsa mhuri zhinji.

“SaMP wekuno kuBindura South, ndichishanda nemakambani anotengesa hukwana dzehuku dzenyama nedzemazai, ndiri kuedza kuti patinosvika makore gumi zvawo kana makumi maviri tipedze nzara mudzimba dzose muno kuburikidza nechirongwa chekupfuya huku ichi,” vakadaro Cde Matangira.

Vanoti kubva pavakatanga chirongwa ichi, vabatsira mhuri dzinokwana 2 500 nehukwana dzenyama nedzemazai. “Muchirongwa ichi ndinoshandisa mari yangu kunohodha hukwana idzi nekupa varimi ava chikafu chekutanga kupa huku idzi. Murimi ndikamupa huku idzi kekutanga anozoramba achihodha nemari yaanenge awana zvoreva kuti basa rave kufambira mberi vobatsirana zvakare kusimudzirana mumhuri dzavo kusvikira musisina nhamo muno muBindura South,” vakadaro.

Chirongwa ichi vanoti chakanangana nemadzimai uyewo nevechidiki – vakomana nevasikana.

“Takasarudza madzimai nevechidiki kuti vatange kubatsirikana muchirongwa ichi tichizopambirawo kuvanhurume sezvo madzimai nevechidiki vachishaya mikana yakafanana nevanhurume,” vakadaro.

Huku nemazai aya zvinotengeswa munharaunda iyi pamwe chete nemudhorobha reBindura nekuHarare kune vezvitoro.

“Kwekutengesa nguva zhinji ndinovabatsira kuvatsvagira vachitora mari yavo voga. Zvakare munyaya yekuti vasazoramba vachitambudzika nekudya kwehuku idzi, tine minda inorimwa nemurimi woga-woga yezvirimwa zvinosanganisira chibage, mapfunde nenyemba dzinozogaiwa zvosanganiswa kugadzira kudya kwehuku idzi,” vakadaro.

Vanoti vane hurongwa zvakare hwekuvandudza basa iri vopindawo mukuchengeta nguruve nekupfuya hove sezvo vaine madhamu madiki akawanda mudunhu ravo.

“Ndinoda kusiya rupawo rwangu muno saMatangira rwemabasa andakaita, inozova nhorowondo muno,” vakadaro Cde Matangira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey