Vopunduka nekupfuya nguruve

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Vopunduka nekupfuya nguruve

Kwayedza

pigsKingstone Mapupu
CHIRONGWA chekupfuya nguruve kwaShe Chivero kuMhondoro chounza budiriro kudunhu iri kuburikidza nekuwanisa vechidiki mabasa.
Bhindauko iri, iro rinosanganisira mabhucha nebhawa zvinotengeswa nyama yenguruve iyi, riri kuitwa pasi pekambani yePK Agri-business.Rakavambwa muna 2012 kuburikidza nemushandirapamwe waVaTsaurai Kaseke (37), Dr Onai Kaseke (49) naMai Brendah Kaseke (35).
Dr Kaseke vanoti parizvino vane nguruve dzinosvika 610 uye vakaona zvakakodzera kuti vatange chirongwa ichi nedonzvo rekusimudzira nzvimbo yavo.

“Nguruve dzatinadzo dzinosanganisira hadzi nehono dzacho uyewo matanga edu ari muzvikamu zvakasiyana achikwana masere,” vakadaro Dr Kaseke.

Vanoti vari kubatsirwa nenyanzvi dzekuPig Industry Board mubasa ravo.
“Zvinonetsa zviripo asi nekushanda nenyanzvi hazvioneke nekuti tinogara tiri pamberi. Panyaya yekutengesa, dzimwe dzinotorwa dziri mhenyu nevane mabhucha muno dzimwewo tichiuraya toendesa kubhucha redu kuMahororo. Tine bhawa ipapo nechitoro nedzimba dzekubhuka saka nyama inotengwa zvikuru, kuHarare zvakare tine mabhucha edu. Tine hurongwa hwekukura kudarika apa,” vakadaro.

Mai Kaseke vanotiwo chishuwo chavo kudzorera kuruzhinji rwemunharaunda yavo sezvo vaine vashandi vapfumbamwe.
Vanoti vanobatsira zvakare vana vanoshaya vanogona kuchikoro nekuvabhadharira mari yekuti vadzidze.

“Vana vanoita zvidzidzo zvekurima vanouyawo vachidzidza machengetero atinoita nguruve idzi pachena uyewo tine hurongwa hwekuvamba Bio Gas Project uho huri kuda US$20 000 kuti hutangwe,” vakadaro Mai Kaseke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey