Kwayedza
Mambo Siabuwa, VaRobertson Sibanda (50), vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira mukuvandudza raramo yevarimi vemudunhu ravo.VAGARI vekwaMambo Siabuwa kuBinga kudunhu reMatebeleland North vobatsirikana zvikuru mubasa rekurima kuburikidza nechirongwa chemadiridziro cheNabusenga Irrigation Scheme.
“Ichokwadi kuno tinorima pamadiro kuburukidza nemvura yatinayo iyi kubva mudhamu redu, kare minda iyi yaisarimwa zvakanaka kusvikira vanhu vakazogovana minda iyo vanorima zvirimwa zvakasiyana,” vanodaro Mambo Siabuwa.
Vanoti dambudziko riripo nderekuti kune vakatora minda yakakurisa apo vamwe vasina izvo zvinofanira kugadziriswa.