Uncategorized

WhatsApp itsvina bhokisi

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
WhatsApp itsvina bhokisi

Kwayedza

INGA wani ndakakuyambirai kuti zvomoenda kuKisimusi musazofarisa zvekubuda mumuforo kana zvekusvika pakusona masutu ebepa iko kunze kuchinaya kudai? Kana kwanaya, masutu ebepa onyeukira musatizire mudzimba dzedu.Nyaya dziri kusvika kwandiri dziri kusanganisira dzevanhu vakawira mudoro, nevamwe vakashaya musoro zvekukwereta doro rekuti vanhu vadhakwe asi vachikanganwa kuti pavachaita sobha, doro rinenge rapera asi chikwereti chichiramba chiripo.

Kubuda mumuforo kwakaitikawo kumusha kwangu mufunge. Pane murume mukuru anotonzi baba vanhingi akadhakwa zvakapfurikidza mwero. Paakanga adhakwa, akaenda kumba kwemuvakidzani wake asina kana hembe pamuviri wake. Nhaimi, ndihwo huvakidzani hwacho here?

Chatinokanganwa ndechekuti kana Kisimusi yapera, nedoro rakakupa kubvisa hembe rapera, dzimba dzemuvakidzani wawakaitira mashura dzichangoramba dziripo. Newe ucharamba uripo, asi unenge wafumuka. Kufumuka kunge mumwe munhu akatumira vamwe vepagroup pake chipo chemufananidzo wetsvina iri muchemba paWhatsApp.

Iko kutumira mufananidzo wetsvina iri muchemba paWhatsApp ndiko kwakaita kuti nditi WhatsApp itsvina bhokisi, kwete Kisimusi bhokisi. Musazonetseka kana mukandishaya paWhatsApp kubva musi wa1 January 2017.

Ndizvozvo, raperaka gore iri. Kana tisingaverenge kuwanda kwechingwa chawakadya muna 2016, chii chimwe chinoverengeka uye chinodadisa nekufadza chawakaita? Kupera kwegore inguva yekuti ucheuke shure, ukure nekuti unenge watarisisa nekugadzirisa zvakatsveyama nezvisina basa muhupenyu hwako.

Nguva iri kufamba uchingotenderera sembwa iri kuda kuruma muswe wayo. Mazuva ari kupindana iwe uchingoridza chimbo chawakanga uchiridza makore mashanu adarika.

Asika, nguva haina nguva yekuteerera kuchema-chema kwako.

Gore zvarapera, ari kunyanya kundirwadza ndiwe Moses! Mwari vakakumirira kuti ucheuke uone gwenzi riri kupfuta. Mwari vari kushaya munhu anoburitsa vanhu vavo muEgypt nekuti iwewe Moses uri kufara nekugutsikana nekufudza hwai dzatezvara vako. Uri kufunga kuti uchapihwa chimwe chimuramu nekuda kwekuda hwai dzatezvara Jethro.

Uri kupedzera simba kumuganhu iwo munda uchirarira. Uri kufudza hwai asi kuEgypt uko kuine vanhu vakamirira kufudzwa newe. Kune vanhu vari kuda kutungamirirwa newe kuti vabve muzvigubhu zvedoro mavari kugara zvekuti vave kufunga kuti ivo ndivo doro.

Kutanga kwegore kudai, ita zvinhu zvitsva Moses. Ona gwenzi riri kupfuta iro. Swedera pedyo ucherechedze kuti chii chiri kuitika. Inzwa zviri kudiwa naMwari Moses. Hausi munhu angapedze hupenyu hwake achitaura nehwai murenje.

Kana ukaona uchitanga gore rino uchingoita zvinhu zvakafanana nezvawakanga uchiita gore rakapera, uchenjere kuti unogona kufa gore racho risati rapera ukanoshaya chekutaura pamberi paMwari. Gore richitanga kudai, tsvaira imba yehunhu hwako ibve humbwa. Siya hunhu hwakatsveyama hwawaizivikanwa nahwo. Kupopota, kunyepa, kutuka, kuonererwa, kusatenda, kutiza vawakakwereta nekuwedzera kukwereta!

Enda kuna Mwari, kwete kumaporofita kana maProphets. Mwari havakurasise. Nyaya yaMwari haisi yekuti unoda muporofita, asi ivo Mwari ndivo vanokuda. Ufunge zvako, Mwari vakanyora zita rako muchanza cheruwoko rwavo. Vanokufunga kudarika kuwanda kwejecha pamahombekombe.

Mwari vanokudisisa, vanofungisisa nezvako uye ziso ravo riri pauri nguva dzese.

Usaende kuchechi kunotsvaga kudiwa nevanhu kana naMwari nekuti Mwari vakakuda kare. Mwari vanokuziva kudarika kuziva kwaunozviita.

Kufanana nevakaenda kumuchato kuCana, dai vakagara vatanga naJesu, waini yavo ingadai isina kumbopera.

Tanga gore wakagara, usiri kumhanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey