Zim@43: ‘Tinofara nerunyararo’

17 Apr, 2023 - 15:04 0 Views
Zim@43: ‘Tinofara nerunyararo’ Mai Memory Kanyati

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vorumbidza runyararo rwuri muZimbabwe urwo rwavepo nekuda kwekuzvitonga kuzere kwenyika ino vachiti rwakakosha munyaya dzekusimudzira budiriro.

Mai Memory Kanyati, avo vanova provincial manager kusangano rinomiririra vechidiki reZimbabwe Youth Council, vanoti rusununguko rwakakosha nekuti rwunoita kuti veruzhinji vakwanise kuita mabhindauko emaoko anovawanisa raramo muupenyu.

“Takatarisa vechidiki vanova nhaka yeupfumi hweramangwana, tinonzwa kufara nerunyararo rwuri munyika kwemakore 43 adarika. Hazvisi nyore nekuti tinogara tichiona pamaterevhizheni pamusoro pedzimwe nyika dzinogara dziine kurwisana. Hondo inoparadza zvivakwa, upenyu, upfumi uye vechidiki vanombunyikidzwa nekushungurudzwa mupfungwa, nokudaro kana tikaramba tiine runyararo seizvi, tinoona nyika ichibudirira,” vanodaro.

Mai Kanyati vanoti vanoshuvira kuti vechidiki vapinde mumabhindauko ekurima, kuvaka, kuveza nemamwe mabasa makuru anoita kuti nyika ibudirire.

“Sezvamunoona, migwagwa mikuru yakadai seHarare – Beitbridge, Mbudzi Round About, Mutare, Chitungwiza iri kugadzirwa nerutsigiro rwemutungamiriri wenyika President Mnangagwa avo vanokurudzira nyaya dzebudiriro, kunyanya zvivakwa uye kusimudzirwa kwemaindasitiri.

ZIM@43

“Kudai munyika muno muine kurwisana zvose zvingadai iri nhoroondo. Tinofara kuti tine vechidki vakawaniswa mabhezari ekunofunda kune dzimwe nyika, zvose zvichibva mukuti Zimbabwe ine runyararo uye ine kudyidzana kwakanaka nedzimwe nyika,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Fortunate Pangeti, avo vanotengesa maruva paAfrica Unity Square, muHarare, vachiti vanofara zvikuru nerunyararo rwuri munyika rwunoita kuti vakwanise kufambisa mabasa avo murunyararo.

Mai Fortunate Pangeti

“Hongu, mari haisi kunyatsotenderera zvakanaka mumabhizimusi edu nekuda kwemakoronyera emisika mitema, asi tinodaira kuti kana Hurumende yedu iri kuzvigadzirisa. Runyararo ndirwo rwunoita kuti tive pamusika pano nhasi tichitsvaga nzira dzekuraramisa mhuri,” vanodaro.

VaTaurai Nyamukungarika vepanzvimbo imwe chete iyi vanoti vakatanga kutengesa maruva mugore ra1992 uye vanofara zvikuru nekuti zvose vari kuzviita murunyararo.

VaTaurai Nyamukungarika

“Hondo inoita kuti mabhizimusi aparare. Tingadai tisiri pano kudai munyika manga muine hondo nekuti inenge iri batai-batai. Kufa kwevanhu kunodzosera zvekare nyaya dzebudiriro kumashure,” vanodaro.

VaBruce Muunganirwa vemuHarare vanoti runyararo rwakakosha nguva dzose.

“Hongu, zvinhu zvinganetsa kana kudhura, asi kana vanhu vaine utano nerunyararo zvimwe zvose zvinokwanisa kugadziriswa mukati menguva diki. Nyika ichiri mushishi kufukunura mapfupa emagamba akafira rusununguko munguva yehondo kureva kuti vakawanda vakafa panguva iyoyo. Hatidi hondo, hatidi mhirizhonga nekuti inoparadza,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey