Zimpapers yakabatsira…Vana vechikoro ‘votuka’ chando neshangu itsva

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Zimpapers yakabatsira…Vana vechikoro ‘votuka’  chando neshangu itsva Ngonidzashe Chabika achipfekedzwa bhutsu naTabeth Jakopo anova mutevedzeri wemunyori weBEAM pachikoro cheKatora Primary School.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers – iyo inodhinda mapepanhau anosanganisira Kwayedza – svondo rapera yakabatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura vepachikoro cheKakora Primary School, kuGlendale nemabhuku, zvekunyoresa neshangu izvo zvinokosha $2 000.

Vachitenda rubatsiro urwu, mukuru wechikoro ichi VaDaniel Chigwada vanoti vanofara zvikuru nerudo rwakaratidzwa neZimpapers mukurangarira vana vanobva kumhuri dzinoshaya kuburikidza nekusimudzira dzidzo yavo.

“Kuti tinge tichikudza vana ava vaine mufaro wakafanana newevamwe, zvinoda mushandirapamwe. Izvi zvinoda varairidzi, vabereki nemi vatsigiri nekuti tiri toga hatingazvigoni. “Tinofara kuti Zimpapers yasarudza chikoro chedu pakati pezvikoro zviri munyika yose,” vanodaro.

Zvimwe zvakapihwa neZimpapers kuchikoro cheKakora Primary School.

VaAlexandar Mutema, avo vanova District Schools Inspector weMazowe, vanoti vana vakabatsirwa neZimpapers vakasarudzwa nenhengo dzeSchools Selection Committee uye vamwe vacho vari muchirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM).

“Hatidi kuti vana vari muchirongwa cheBEAM vasangane nerusarura zvichitevera kumhuri kwavanobva asi kuti tinoda kuti vatsigirwe zvakanyanya kuitira kuti vafanane nevanobva kumhuri dziri nani mukuwana. Kana vana ava vakasarurwa, zvinoita kuti vakundikane mudzidzo uye vamwe vanobva vatoramba chikoro chacho nekuti vanenge vachisekwa nepamusaka pekushaya zvipfeko zvakanaka kana zvimwe zvinhu zvinowanikwa nevamwe vana mukurarama,” vanodaro.

Vanotenda chikwata cheSchools Selection Committee, icho chinosanganisira vabereki vemunharaunda nevamwe vana mukugona kuongorora vana vanotambura kuti vabatsirwe. “Kazhinji kacho rubatsiro rwerudzi urwu rwunowanzoendeswa kuvanhu vanowana nekuda kwehuwori hunoitwa mune zvimwe zvikoro, asi pano nhasi vana vanotambura chaivo ndivo vatambidzwa shangu nemabhuku. Saka tinoda kuona vachiuya kuchikoro vakapfeka shangu idzi kwete kuti vabereki vavatorere kana kudzitengesa,” vanodaro.

Daniel Chigwada

VaGodfrey Chari, vanovazve District Schools Inspector munzvimbo iyi, vanoti vazhinji vevana ava vanobva mumhuri dzinoshaya zvichitevera kurasikirwa nevabereki nepamusaka peutachiona hweHIV, kurambana kwevabereki, nzara, kumitiswa nezvimwe.

Anoona nezvekudyidzana neveruzhinji nekukushwa kwemashoko kuZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti vakatsvaga rubatsiro urwu kuvatsigiri vakasiyana.

“Dzidzo inokosha zvikuru nekuti inosandura upenyu hwemunhu. Saka tauya nemabhuku kuti munge muchikwanisa kunyora nekurava. Tinoda kuti muzadzikise zviroto zvenyu uye takuunzirai zvakare shangu dzechikoro kuti mukwanise kudzivirira chando muchidzidza. Bhutsu idzi takadziwaniswa nemuimbi Oliver Mtukudzi,” anodaro Tonhodzayi.

Beatrice Tonhodzayi akabata imwe yeshangu dzakapihwa vana.

Mai Evelyn Karima, avo vanove amai vaNgonidzashe Chibika – mumwe wevana vakabatsirwa neshangu – vanotenda rubatsiro urwu.

“Ndiri mudzimai akatizwa nemurume saka ndinonetseka pakuchengeta vana. Naizvozvo ndinotenda kambani yeZimpapers nerubatsiro urwu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey