Kwayedza
DZIMBA DZEMABWE
DZIMBA dzemabwe kana kuti masvingo ndipo panobva zita renyika yeZimbabwe. Mazimbabwe ayo akavakwa nevaShona anowanikwa kuMasvingo, asiwo nyangwe mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMutoko ariko. Asi masvingo ari kuMasvingo ndiwo makuru pane ose anowanikwa mune dzimwe nzvimbo.