— Ziva —

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

KUSHAMA
KANA munhu asina kupfeka, anonzi akashama kana kuti mushwi.  Kushama kunoreva kuratidza zviri mukati, kufanana nekushama mukanwa kunoratidza mazino, rurimi nezviri mukanwa.  Kushama kunorevawo zvakare kusanyatsopfeka zvakanaka, kana kuti kuve nenhamo yekuti haukwanise kutenga hembe.

Kare, vanhu vachapfeka nhembe, vana vadiki vaifamba vakashama. Dzimwe nguva vana vemakore gumi vaigona kungofamba zvavo vakashama.
Kushama kwaishamisa kana kutyisa kana kwaitwa nevanhu vakuru. Munhu mukuru akashama zvaishura.
Varoyi zvakarewo vanofungidzirwa kuti vanenge vakashama pavanoita mabasa avo ekuroya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey