Kwayedza
MHUKA dzinoti mbada/ingwe, shumba, dindingwe nebere dzine mavara pamakanda adzo. Mavara embada, dindingwe neebere anonyatsooneka zvakajeka, asi eshumba anoonekwa muvana. Vana veshumba nevedzimwe mhuka dzinoti mbada, dindingwe, gava, imbwa nebere vanonzi handa.
Dindingwe, serine handa yaro pamufananidzo, ndiro rinozivikanwa nekumhanya kudarika chero ipi zvayo mhuka inofamba nemakumbo pasi rose. Pakutaridzika kwaro, dindingwe rakada kufanana nembada, asi iro rine mitsetse kana kuti mitsara matema miviri inobva pamaziso ichidzika nematama zvekuti inoita semisodzi mitema.
PachiRungu dindingwe ndiro “cheetah”.
Nekuda kweganda raro rakanaka zvikuru, ndipo panobva tsumo inoti: Dindingwe rinonaka richakweva rimwe, asi kana iro rokwevewa roti mavara angu azara ivhu.