Zvaiva muPepa 2

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—
CHIKAMU chapfuura chakabata ongororo yepepa repiri rinova renzwisiso nerondedzero asi hatina kukwanisa kupedza pepa rose. Ndakasiira patsamba iyo yaida kuti mwana anyore pamusoro pematambudziko aakasangana nawo ayo aida rubatsiro rwemunhu ari mhiri kwemakungwa.

Iyoyo takaitsika-tsika tikaipedza nekudaro tinoenda mberi tichitarisa mimwe misoro yakanga iri mupepa iri.

Misoro yose yaiva yakanaka chose nokuti yaipa mwana mukana wokuburitsa zvaakadzidza nenzira dzasiyana.

Musoro wenyaya waitevera waida kuti mwana anyore rondedzero pamusoro pemunhu ane mukurumbira mudunhu rake.

Apa mwana anga aine mukana wekutaura nhuna dzako pamusoro pemunhu ane mukurumbira mudunhu rake zvakafanana namuzvina bhizimisi kana mutambi wetsiva saCharles Manyuchi.

Zviripo zvakawanda zvinoita kuti munhu aiite mukurumbira uye tinofanirwa kuziva kuti mukurumbira unouya nenzira dzakanaka.

Vamwe vanokurumbira nehuhurudza vamwewo nekuridza magitare sanaAlick Macheso.

Vamwewo vanoita guhu nekutamba nhabvu zvoreva kuti mwana anga aine muakana wekutaura zvaaida asi akanangana nemunhu mumwe chete.

Zvirungamutauro zvakanangana nerumbidzo isaraude. Kana ari muzvinabhizimisi ari kutaurwa nezvake panobuda mashoko anoratidza hushoroma hwemunhu sekuti anofamba nemuwewewe kana kuti dziva remotokari uye hombodo dzake dzinogara dziine madzamatsama emari.

Semunhu ane mukurumbira, anofamba achikanyaira sehandira uye anenge akavaka dhandanda remba ine makamuri asingaverengeki.

Changa chakakosha apa kubiritsa chaizvo zvakaita munhu iyeye aite mukurumbira sekuti mutambi wenhabvu anenge achiteverwa negurumwandira revavana munharaunda uyewo muimbi anenge achitevedzerwa mimhanzi yake chero neharahwa zvinobva zvadudza mbiri inenge iine munhu iyeye. Mwana aifanirwa kuburitsa pachena kuti uyu munhu akasiyana nevamwe vanhu vemunharaunda sei zvabva zvaita kuti ataurwe nani nani zvake.

Kazhinji munhu akita mukurumbira vanhu vese vanenge vachida kufananidzwa naye zvekuti chero mapfekero ake kana magererwo ake anenge otovedzerwa kunyanya nevadiki vari muruwa irworwo.

Pepa iri zvakare raiva nemusoro wenyaya waiti mwana anyore rondedzero pamusoro pechiitiko chakakosha apo pachikoro pakauya vanhu vakauya kuzotura chipo.

Paiva pakapiwa mukana wekutaura nezve zvipo kana chipo. Mwana aitarisirwa kuburitsa hukoshwa hwezuva iri sezvo chikoro chaisumudzirwa nekuda kwechipo chaipiwa zuva iri. Panoitika chiitiko chakakosha kudai panoita masvosve evanhu uye panodyiwa mafizhongo echikafu.

Vapi vechipo vanogara mumitepfetepfe kana miorododo yezvigaro vari muzambamba rebvute.

Vanawo vechikoro vanenge vachirudunura nhetembo dzakanangana nechipo chichapiwa nekupa rumbidzo kune vapi vechipo.

Mifananidzo inenge ichinamurwa kuitira kuzoita ndangariro dzezuva iri.

Apa mwana aiwana mukana wekuita madanha ekurunga mutauro kuti kukosha kwezuva iri kunyatsobuda.

Musoro wenyaya wekupedzisira waiva wekunyora nhaurirano. Nhaurirano iyi yaiva pamusoro pemai nemwana vachitaura pamusoro pekunzvenga chikoro kwaiitwa.

Zvirokwazvo hakuna mubereki anofarira kuti mwana atize chikoro nekudaro hurukuro yaifanirwa kuburitsa kugumbuka kukuru kwemubereki.

Kana achinge akashatirwa, tinoti ari kupupira nehasha uye anenge achifemera pamusoro sedafi achifura chinya. Mwanawo anenge achipfikura kuchema semunhu anenge ambobatwabatwa.

Kupindurana kunenge kuchiita vaviri ava ndiko kunovaka nhaurirano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey