Zvaungada kuziva pamusoro perovambira

03 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
Zvaungada kuziva pamusoro perovambira Rovambira

Kwayedza

NYOKA yerovambira kana kuti black mamba muchirungu inonzi yakapihwa zita iri nekuda kwemukanwa mayo makasviba kuti ndoo.

Inonzi hurefu hwayo hunotangira pamamita 2,5 kusvika 4,45 uye inomhanya kudarika dzimwe nyoka pasi rose.

Rovambira rinonzi rinogona kumhanya makiromita anosvika 11 paawa imwe chete.

Munhu akarumwa nerovambira, anonzi anokwanisa kurarama kwenguva duku inoita maminetsi makumi maviri kusvika paawa rimwe chete apo anobva afa.

Rovambira

Rovambira rinonzi rinodya zvinhu zvakaita semakonzo, mbeva, madzvinyu, shiri nemiremwaremwa uyewo rine mazino akareba 6,5mm.

Vana venyoka iyi vanonzi vane huturu hwakangofanana nehuru pakuuraya.

Rovambira rinonzi rinorarama kwemakore anodarika gumi nerimwe chete zvichiendawo mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey