Zviito zvemutambi

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

10. Ndiani mutambi ari muna Ndiko Kusasana waunganzwa kushatirwa kana ukafananidzwa naye? Tsigira kufunga kwako nezvaanoita murungano urwu. [25]Pamubvunzo uyu unofanira kudoma mutambi mumwe chete ane zviito zvaunovenga munyaya. Unofanira kudoma zvinhu zvisere zvaanoita munyaya.

Ini mutambi anoita zvandisingafarire ndiFadza zvimwe zvacho ndeizvi: anofurira Sekai kuti abe mari yaMugadzi achiviga pasi pekapeti, anopa Phiri mwana asiri wake, anoba mari yaPhiri ndokuzotanga zveshabhini, anoviga mukomana wekusiraha pasi pemubhedha achitya kuonekwa naRoddy, anoenda naSekai kubhaisikopo usiku ndokumurongera chikomba Robby achiziva kuti ane murume wake, anorambidza Sekai kuti aende kumusha kunoudza vabereki vake nezvekurambana naMugadzi kwaainge aita, anotengesa doro zvisiri pamutemo, anonetsa Irene pese paanenge adhakwa, anoputsa imba yaSekai naMugadzi.

11. Nyora zvidzidzo, zvishanu zveupenyu zvawakawana muna Ndiko Kusasana uchitsigira chidzidzo chega chega nezvinoitika munyaya iyi. [25]

Zvidzidzo zveupenyu ndizvo zvinhu zvaunoziva mushure mekunge waverenga nyaya.

Zvimwe zvacho ndeizvi: kufurirwa kwakaipa, kunyepa kunoparadzanisa vanhu, chipfambi chinorovesa, kuba kwakaipa, kupa munhu mwana asiri wake hakuna kunaka, chivi hachidzoserwi, zano pangwa uine rako, dai ndakaziva haitungamiri, kuita zveshabhini kunosungisa nemapurisa.

Chidzidzo chimwe nechimwe chaunenge wasarudza chinofanira kupihwa tsigiro mbiri zvichienda mberi.

 

. Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

KEREKE INOFA

1. Musoro wekuti Kereke Inofa unodudzirwa sei mumutambo uyu? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvisere. [25]

Kereke inofa zvinoreva kuti pakaitika zvinhu zvinoita kuti vatendi vemuchechi vave nekusagutsikana nezvinenge zvichiitikamo vanogona kuisiya kunove kuparara kwayo nekuti kereke vanhu.

Musoro wemutambo uyu wekuti Kereke Inofa unotsigirwa naPastor Gift Mwenje vanoramba kuti pave nemunhu anozviuraya kana kuuraiwa.

Zvinobuda pavanenge vari mumotokari yavo kuMufakose naSarah. Vanoudzwa naSarah kuti aikwanisa kuudza Zebra murume wake kuti aive nepamuviri pavo zvaizoita kuti azvipfure kana kupfura mumwe wavo nepfuti asi Pastor Mwenje vanomurambidza vachiti zvaizoputsa kereke yavo.

Musoro webhuku iri unoenderana naBeauty anovimbisa kusungisa kereke yese. Tinozviona panoshaikwa amai vake, Sarah kwemasvondo matatu vabva kuUK naPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Beauty azobatikana nekutsakatika kwamai vake kusvika pakuti vakasaonekwa aizosungisa kereke yacho yese yobva yangofa.

Zvichireva kuti vanhu vekereke vakasungwa hakuna aizononamatako kunova kufa kwayo.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

 

. Email: [email protected]

Nhare: +263 772610360

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey